Makore 2 vaviga hama yavo . . .Vakazomuona achibva ‘Joni’

IMWE mhuri yekuChitungwiza haina kana neremuromo – muzukuru wayo “wekufira” kuSouth Africa makore maviri adarika, mutumbi wake ndokuvigwa muZimbabwe – akazodzoka pamba gore rino, ari chigwindiri uye achitozvifambira.

Musangano mukuru wekurima woitwa

SANGANO reAfrican Seed Trader Association richaita musangano nemakambani anouchika mbeu emuno neekunze kwenyika kuVictoria Falls nguva pfupi iri kutevera nechinagwa chekupangana mazano maringe nekusimudzirwa kwegoho rezvirimwa

MAONERO EDU: Pinjisi haivake imba, tauriranai

HURUMENDE yeZimbabwe iri kutora matanho akawanda akananga kuchengetedza kodzero dzevanhukadzi pamwe chete nevanasikana. Izvi zvaona mitemo ine chitsama ichikumikidzwa nedonzvo rekuti pasave nekumbunyikidzwa kwevanhukadzi.

Ziunze akaenda nemukombe

MUDZIMAI wechidiki, Varaidzo Ziunze wekuWarren Park, muHarare, ndiye Kwayedza African Woman wegore ra2014. Ziunze akaenda nemubairo mukuru wemakwikwi anokurudzira madzimai kupfeka zvine mutsigo uye zvakanaka uyo waisanganisira

Kutsigira ramangwana risina chirwere cheHIV

Catherine Murombedzi MUKURANGARIRA vose vakatisiya nekuda kwedenda reHIV/AIDS, sangano repasi rose revanhu vanorarama neutachiona hweHIV rinonzi Global Network of People Living with HIV (GNP+) rakazivisa kuti dindingira regore rino rinoti:…

Mukadzi wekurumwa nepinjisi: Vaverengi vofushunura zvimwe

NYAYA yemudzimai wekuUnit O, kuChitungwuza, uyo akabuda muKwayedza svondo rapera achiti aiitirwa hutsinye hwakadaridza nemurume wake wekusvika pakuswinywa nepinjisi uye kupotsa apfekerwa kamba mhenyu nekusikarudzi kwake,

‘Kucricket hakuna zveje-e’

TSIKA yekusvotesana inoitwa nevatambi vecricket kumakwikwi akaita seeWorld cup, iyo yagara ichitenderwa, inonzi rwendo rwuno hakuna uye vanobatwa nemhosva yekuita izvi vachamiswa kuita zvemitambo neveInternational Cricket Council.

Mbuya isina kupfeka pu-u kuChitungwiza

YAKAVE batai-batai pane imba kuUnit F, kuChitungwiza nomusi weMugovera wadarika apo mumwe mudzimai aifungidzirwa kuti muroyi akaonekwa ari pamba apa asina kupfeka.

Kutengeswa kwefodya kwononoka

MWAKA wekutengeswa kwefodya wegore rino unonzi unganonoka kutanga sezvo fodya yakawanda ichiri diki zvikuru nekudaro nguva yekuti ichitemwa nekupiswa haisati yakwana.

Katarina shasha yemujaho akapora

SHAsha yemujaho wekusvetuka pamwe nekumhanya, Katarina Johnson-Thompson uyo ange ari pazororo mushure mekukuvara kwaakaita, anoti acharwira mukombe kumakwikwi eBritain Indoor Championships.

×
×