Akadashurwa achienda kuchechi
MUKADZI wekuti akazvambaradzwa pakati peguta achipomerwa mhosva yekutora murume wemuridzi akazopotera kudare.
MAONERO EDU: Zimbabwe haina kungouya nyore
NEMUSI weMugovera 18 Kubvumbi svondo rino, zvizvarwa zveZimbabwe zvichabatana mukupemberera kusvitsa makore 35 nyika ino yawana kuzvitonga kuzere kubva kuhudzvanyiriri hwevapambevhu.
Zim: Budiriro yedzidzo
ZIMBABWE iri kubudirira zvikuru munyaya dzedzidzo izvo zvaona zvikoro zvepuraimari nezvesekondari zvavakwa kubvira pakawana nyika ino kuzvitonga kuzere muna 1980 zvichidarika 8 000 kana zvichienzaniswa ne2 177
Musoro wesvikiro wakatsakatika
MUSORO wemunhu akafa ari svikiro guru rekwaMutevende, kwaDotito kuMt Darwin, unonzi wakatsakatika zvachose mushure mekunge varume vaimora nyuchi vafukunura guva raive mubako nekusaziva ndokutora dehenya
‘Tsigirai mutambo wegorofu’
AIMBOVA shasha yemutambo wegorofu, Rodwell Marowa, anoti zvakakosha kuti vakotsveri vatsigire mutambo uyu zvizere kuitira kuti vatambi vemuZimbabwe vakwanisewo kukwikwidza nevekunze zvemhando yepamusoro.
Rusununguko rwodzika midzi
MUSI weMugovera tiri kupemberera makore makumi matatu nemashanu nyika yawana kuzvitonga kuzere. Zvizhinji zvaitika kubva pakapera hondo yeChimurenga Chepiri – kuuya kwerusunungoko nekuzvitonga kuzere
‘Ngatichengetedzei nhaka yedu’
SHaSHA yekukwenya magitare Madzibaba Nicholas ‘Senior Lecturer’ Zakaria vanoti vanofara nekusvitsa kweZimbabwe makore 35 yawana kuzvitonga kuzere sezvo izvi zviri kupa mukana wekuti indaisitiri yemimhanzi
Kutapira kunoita Zimbabwe l ‘Muno mune runyararo’ l ‘Zvipatara zviri tii’ l ‘President vedu vakafunda’ l ‘Ivhu takatora’
Muchaneta Chimuka, Malvern Mugadzikwa naKingstone Mapupu RUZHINJI rweZimbabwe rwunoti rwunofara kuve munyika yakasununguka uye ine runyararo sezvo izvi zvichipa mukana webudiriro munyika munyaya dzeupfumi nezvimwe zvikamu zvakasiyana.
Vopunduka nekupfuya huku
CHIRONGWA chekupfuya huku chemumusha wekwaMutimusakwa kwaShe Chivero, kuMhondoro chosimukira zvikuru pamwe nekuvandudza magariro eruzhinji rwekunharaunda iyi kuburikidza nekuvawanisa mabasa
Madzishe vari kutungamirira budiriro
BAZI rekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwaniswa kwedzimba rinoti muZimbabwe mune madzishe anokwana 276 apo vashanu vavo vari vanhukadzi.











