Stanbic Bank yakabatsira vanorarama nehusope

SANGANO reAlbinos Charity Organisation of Zimbabwe (Alcoz) rakapihwa mafuta ekuzora pamwe chete nemishonga inokosha $5 800 iyo ichashandiswa nevanhu vanorarama nehusope nebhanga reStanbic Bank.

— Ziva —: CHIKWERETI

IZWI rekuti chikwereti harisi rechiShona, asi kuti rakabva kune rerurimi rweAfrikaans rinonzi “skuld”. MuchiShona chaicho, chikwereti chinonzi mungava. Kana munhu aine mungava, akabvisa imwe mari, asi posara imwe, iyoyo inenge

GRADE 7: Kushandisa madimikira

Ticha Danga ZVAZVADAI tava kudongorera mukunyorwa kwebvunzo dzekupera kwegore. Kupera kwaNyamavhuvhu tinenge tasarirwa nemwedzi waGunyana chete, tobva tapinda mukunyora bvunzo. Izvi zvinoreva kuti nguva chaiyo

Vana vakaratidza matarenda avo

VADZIDZI kubva kuzvikoro zvinosvika 25 zvepuraimari nesekondari zvemuHarare svondo rapera vakawana mukana wekuratidzira matarenda avo mumitambo yakasiyana pasi pechirongwa cheAnnual School Festival.

Harisi shavi renjuzu: N’anga

VAJONATHAN Shonhiwa Mupamombe (49) vekuTshovani, kuChiredzi vanoti musikana wekuBuhera uyo anonzi anoba zvinhu zvevanhu achishandisa shave renjuzu anogona kunge aine mamwe mashave.

Gadziriro dzeshoo dzotanga

SANGANO reZimbabwe Agricultural Society rinoti shoo yevarimi yemuHarare ichange ichiitwa kubva musi wa24 Nyamavhuvhu kusvika 29 Nyamavhuvhu apo vemakambani emuno neekunze uyewo vanhu vakazvimirira vanenge

Anoitira mukadzi Weti mumusoro

Kudakwashe Chinokuya MUMWE murume akapupura mudare kuti kana achinge ashatiriswa nemukadzi wake, hasha dzinomukurira zvekusvika pakumuitira weti mumusoro achimurova. Kudakwasha Manyaka akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa…

Akapfurwa nepfuti kuMacheke

MURUME aizvifambira husiku kupurazi reFair View, kuMacheke, anonzi akapona nepaburi retsono apo akarohwa nemabara mushure mekuridzirwa pfuti nemunhu asati ave kuzivikanwa asi ari kufungidzirwa kuti aivhima zvisiri

O-LEVEL — NDIKO KUSASANA: Mai Sarudzai vanoviga mari pasi pekapeti

CHITSAUKO 2 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Panodzokera mai Sarudzai kumba vanenge vadzidza zvakawanda, vava kuda zvino kuti zvavaive vadzidza zvaizofamba sei. Vanosvika pamba zuva rava kunyura ndokuona pasina munhu. Vainge…

Chikwama chamuparira

Mathew Masinge MUMWE mutyairi akachema-chema mudare achida kuti rimudzikinure kubva munyatwa yemurume waakakwidza mumotokari yake umo maanoti akasiya chikwama chaiva ne$210 asi iye haana kuona mari iyi kunze kwechikwama

×
×