Chipotswa: Huroyi hwemberi…‘Zvakangofanana nekupfurwa nepfuti’

Sekuru Mutanga
Sekuru Mutanga

PAMISHONGA yechivanhu yakasiyana-siyana pane mimwe yakanaka iyo inoshandiswa mukurapa zvirwere zvakatsaukana, kozoti yehuroyi iyo inonzi inogona kuti munhu atambure, kana kutoguma afa.

Pamishonga inokuvadza, pane zvinonzi zvipotswa, izvo zvisinganzvsisike nevakawanda kuti zvinokonzerwa nei.

Kwayedza yakaita ongororo pamusoro pezvipotswa ikanzwa zvinokunda ngoma kurira.

Imwe nyanzvi munyaya dzemishonga yechivanhu, Sekuru Elisha Mutanga (60), vekuUshewokunze, muHarare asi kumusha vachibva kuChipinge, vanoti zvipotswa mishonga yehuroyi.

“Chipotswa mushonga kana kuti simba rinoshandiswa zvakaipa reSatanism. Vamwe vanotsvaga mishonga iyi nekuda kutyiwa kumatunhu kwavanogara asi vamwe vacho vanetenge vaine shavi rehuroyi rekugara vachiuraya,” vakadaro Sekuru Mutanga.

Vanoti chipotswa chikatumirwa kumunhu kashoma kuti ararame.

“Chipotswa chinouya vanhu nenzira dzakasiyana, chinogona kuuya sezvipuka zvinosanganisira makonzo, mbeva, nyoka, kamba, nhunzi, tsuro, svosve, nyuchi kana kuiswa kwegavi kana jira chairo mumugwagwa. Ukangozvitsika chete kana kuzviona unobva watotanga kurwara ipapo,” vakadaro.

Vanoti vamwe vanhu vanobva vapunzika kana chipotswa ichi chakaiswa pangava pagumbo kana dzimwewo nhengo dzakasiyana dzemuviri. Zvipotswa, vanodaro Sekuru Mutanga, mashandisirwo azvo haana kusiyana nezvikwambo sezvo zvose zvinogona kukuvadza kana kuuraya munhu.

“Chipotswa chikapinda munyama zvakangofanana nekupfurwa nepfuti nekuti ronda racho rinonetsa kupora saka ndinoti kuruzhinji vakaona vachirwara zvavasinganzwisise ngavakurumidze kuenda kuchipatara kana kumachiremba echivanhu vobatsirwa,” vakadaro.

Vakaenderera mberi vachiti dzvinyu chairo rinogona kuruma munhu obva afira panzvimbo kana nekumharwa nenhunzi chaiko munhu obva atanga kurwara.

“Chipotswa tinogona kuchiisa kudivi rezvishiri asi chokwadi chiripo ndechekuti zvipotswa zvinouraya. Vanhu vakakurumidzirwa kunorapwa chikamu chinoita makumi masere kubva muzana (80%) vanopona, kunonokawo zvinenge zvava zvimwe,” vakadaro.

Mashoko avo akatsinhirwa naVaFriday Chisanyu, avo vanove mukuru wesangano rinomirira maporofita nen’anga, reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA) vachiti zvipotswa mabasa ehuroyi. “Chipotswa imhando yepamusoro yekuroya yatingati pfirapo nekuti chinoda kurapwa nemunhu anogona uyewo nekukurumidza,” vakadaro VaChisanyu.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×