Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 10 (Nyaya yacho)
Kushanduka kwemamiriro ekunze nezvinoitika munyika zvinounza rufaro rwaimbenge rwuchishaikwa kuvanhu, mhuka nezvimwe zvisikwa zvakawanda asi Monika chete haawani rufaro urwu. Mai vake vaizviona, nyika yaizviona kana naMujubeki chaiye aizviona. Baba vake chaivo vaizviona asi havana chavanotaura. Monika anoshaya simba rokuita nharo naamai vake nepamusana pokuda kuzvisunga kwavainge vaita nepamusana pezvavainge vaitirwa naMujubeki nenyaya yaTimoti. Mukomana uyu anonyora tsamba dzinosvika shanu kuna Monika asi hapana anodzipindura kana kuna Tendai ainge aregera kunyorera zvakare.
Monika anombopedza zvimazuva achibatsira Mujubeki asi anozopedzisira asisadi kumuona. Amai vake vanofembera-fembera kuti pane chiri kunetsa mwana wavo. Monika anorwara zvepotsakufa kwesvondo rose mushure memwedzi ataura kuti haachadi kuona Mujubeki.
Abva pakurwara ndipo paanobva arega zvekupindura tsamba dzaTimoti kana Tendai, kana achinge angobva kwaanenge abva anosvikozvipfigira munhanga make.
Mumwe musi amai vake vanozoti vanoda kuvaurayisa naMujubeki here uyo ainge auya pamusha apa kanokwana kana svondo rose achimutsvaga. Monika anopindura amai vake kuti kana vakada kuramba vachimutambudza nenyaya yaMujubeki, achanozvikanda murwizi Saka.
Asi panozosvika nguva yokuti maronda aya anoserera, pfungwa dzake dzikatanga kudzoka zvekare.
Mumwe musi achisakura naamai vake anogashira tsamba inobva kuna Timoti iyo inomutonhodza chaizvo. Timoti ainga achikumbira kuti vasangane kudhibhi akange auya kumusha ikoko. Amai vake pavakaona kuti anyevenutswa netsamba iyi vanobvunza kuti yabva kuna ani, iye ndokuti kushamwari yake.
NeChipiri Monika anonoonana naTimoti uyo anomubvunza kuti nemhaka yei kutadza kupindura tsamba dzake, iye ndokupindura achiti Timoti kana achimuda ngaarege kubvunza mubvunzo wakadai asi anomuvimbisa kuti achazomutaurira musi wavachaenda kwamukoma wake Tendai. Timoti kudoda kumunyengetedza achiti haazokanganwi here, Monika anoti kwete achazomutaurira – kunze kwava kuda kugadzirira kuda kunaya.
ONGORORO:
Kudimikira tinokuona kuchishandiswa zvebasa chaizvo. Mundima yekutanga muchitsauko ichi tinosangana nakwo kusafara kwainge kuchiita Monika panguva iyi. Tinonyatsoona kuti chokwadi, mwana wemunhu ari kutambudzika zvakanyanya apo tinonzwa kuti mukati memoyo wake mazikore matema akanga akapfidigira denga” (52). Amai vaMonika vanomboedza kuda kutaudza Monika, asi mwana anoramba akati kwindi kunyarara, vatadza kuti ataure izvo zvinodimikirwa zvichinzi, “zvakakona n’anga murapwa achada” (53). Nekufamba kwenguva Monika anozotanga kufadzwawo nezvinoitika kwete kungoramba akakwidibira nekusuwa izvo zvinonzi “kuna Monika zhizha rainge razouyawo zvino” munyori achienderera mberi achiti; “rufaro rwezhizha urwu ndirwo rwakaunzwa mukati memoyo waMonika” (54) netsamba iya iyo ainge agamuchira yabva kuna Timoti.
Timoti anonyatsozviona kuti mudiwa wake haasati ava kunyatsa kufara izvo zvinodimikirwa zvichinzi “akaona kuti kudzima kwakanga kwakaita mwenje muchiso chaMonika nazvino wakanga usati wabatidzwa” (55).
Enzaniso tinodzionawo, asi dziri shoma pane madimikira, kuti tinyatsonzwisisa kuti tsamba yainge yabva kuna Timoti yakanyevenutsa moyo waMonika zvakadini. Munyori anoti tsamba iyi yaiva pfupi zvayo asi yakamutonhodza sedohwe rekutanga regukurahundi (54). Kusuwa kunoitwa naMonika apo anobvunzwa naTimoti kuti sei kusamupindura tsamba dzake kunoenzaniswa kuchinzi, “rima rinoita mumba madzimwa mwenje ndiro rakauya pauso hwaMonika.



