Tsuro nenungu mumwena mumwe . . .Vakadzi nevarume Muchimbuzi chimwe

DAMBUDZIKO rekushomeka kwezvimbuzi zveveruzhinji muguta reHarare rasvika pakanyangara izvo zvave kuita kuti mune dzimwe nzvimbo varume nevakadzi vashandise chimbuzi chimwe chete.

Nekuda kwemamiriro ezvinhu aya, vamwe vave kungozvibatsira pachena semumikoto kana kuseri kwezvimwe zvimbuzi zvinenge zvakakiiwa nevashandi vekanzuru.

Zvimwe zvezvimbuzi izvi zvinovharwa nenguva dza4 masikati zvichizovhurwa zuva remangwana izvo zvinoita kuti vanenge vachida kuzvibatsira vaomerwe zvikuru.

Kwayedza svondo rapera yakashamisika nezvayakaona kuMarket Square apo varume nevakadzi vaishandisa chimbuzi chimwe chete.

Mumwe wemadzimai aivepo, Mai Susan Munacho (35), vekuWaterfalls, avo vanoti vanorwara nedenda reshuga, vakati vanorasa mvura nguva nenguva.

“Tamira pano kwemaawa anodarika maviri chimbuzi chakangokiiwa uye mukadzi anogeza zvimbuzi ati ari kuenda kunogeza chimbuzi chevarume. Kudai kanzuru yawedzera zvimbuzi uye kutaurira vashandi vavo kuti vasaite hutsinye hwekutikiira zvimbuzi kwenguva refu. Vanotoenda kunotenga chikafu chavo vachitisiya tiri mumutsetse,” vakadaro.

Rumbidzai Ncube (25) akati zvimwe zvimbuzi zvekanzuru zvinobhadhariswa mari zvinodhura nekudaro vanhu vakawanda vanosarudza kushandisa zvisingabhadharwe.

“Zvimwe zvimbuzi zviri kuita US$0,50 saka imari yakawanda. Sesu tinotengesa muno muguta, unotoswera wabvisa mari yakawanda kwazvo.

‘‘Chiri kutirwadza kukiiwa kwezvimbuzi zvisingabhadharwe, kunyanya zvinofanira kushandiswa nevakadzi zvinova zvave kutituma kushandisa zvevarume,” akadaro.

Mumwe mushandi wekanzuru pazvichimbuzi izvi, Mai Margaret Jeure (58), vanoti dambudziko ndere kusakara kwezvimbuzi pamwe nekushomeka kwepombi dzinofambisa mvura, izvo zviri kuita kuti vapote vachimbozvikiya.

“Handina hutsinye nevanhu ini, asi kuti kuchimbuzi chevarume kwakamboiswa pombi yemvura kakawanda vanhu vachingoba. Saka takabva tangosiya iri kwevakadzi zvekuti varume vose ava vari kushandisa chimbuzi asi vasingagezi mawoko nekuti hamuna mvura.

“Ndinokiya chimbuzi chevakadzi ndichinogeza chevarume ndichishandisa hosipaipi saka hazviite kuti madzimai ashandise chimbuzi panguva iyo ndinenge ndichigeza chimbuzi chevarume,” vakadaro vachiratidza pombi imwe chete yemvura yavanoshandisa.

Kusageza mawoko kuri kuitwa nevarume uku kune njodzi, kunyanya pazvirwere zvemanyoka.

Vanoti mvura yacho inobudawo zvishoma nezvishoma ndokusaka vachitora nguva refu vakakiya zvimbuzi kuti zvigare zvakachena.

“Kushanda neveruzhinji kunonetsa nekuti vamwe havakwanise kunzwisisa dambudziko raunenge wakatarisana naro. Mvura yekugeza zvimbuzi ishoma, haina kana puresha.

‘‘Pamwe ndinotoshandisa mugoro kuti zvimbuzi zvigare zvakachena. Kudai mvura yange yakakwana dzimweni dzenguva taikasika kupedza vanhu voshandisa zvimbuzi nenguva.

“Mamwe madzimai anokanda mapamba evana nemapads muzvimbuzi imomu izvo zvinoita kuti zvipedzisire zvave kutushuka,” vakadaro.

Mai Jeure vanoti svondo rapera pane mumwe musikana akapotsa asungwa nemapurisa mushure mekunge ashandisa chimbuzi chevarume.

“Musikana wechidiki akasvika pano akawana ndakakiya chimbuzi chevakadzi iye kwava kupinda nevarume muchimbuzi mavo ndokuzvibatsira vakatarisa. Akatorwa nemapurisa vachiti akange apara mhosva. Vakatomuti kudai hake aitira panze pane kupinda nevarume pamwe mhosva yake yaigona kuita diki asi vakazomuregedza havo,” vakadaro Mai Jeure.

Mukushi wemashoko kukanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vakatsinhira nyaya yekushomeka kwezvimbuzi zveveruzhinji muguta vachiti vane tarisiro yekuvaka zvimwe.

“Zvimbuzi zvedu zvishoma zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu muguta, kusanganisira avo vanoita basa rekutengesa. Pachine dambudziko guru uye zvimwe zvacho zviri kugara zvichongofa nekuda kwekuti vamwe vanokanda zvinhu zvisingakodzeri zvopedzisira zvave kuzara.

‘‘Tiri kugara tichitumira vashandi vedu vachinogadzirisa zvimbuzi izvi,” vakadaro VaChideme.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×