Zvidhoma Zvovharisa Chikoro…Vana 30 vakatiza…‘Unzai n’anga’

Vana vachidzidzira panze pachikoro cheNyanhunzi Secondary. —Mifananidzo: Memory Mangombe
Vana vachidzidzira panze pachikoro cheNyanhunzi Secondary. —Mifananidzo: Memory Mangombe

VANA vanodarika 30 vepachikoro cheNyanhunzi Secondary School chiri kwaBepura, kuGuruve, vakatiza pachikoro ichi vachisiira zvidzidzo zvavo panzira mushure mekunge zvinhu zviri kunzi zvidhoma zvadya marasha.

Zvidhoma zvinonzi zvamuka chibhebhenenga nekurova vana vechikoro pachikoro ichi, izvo zvakonzera kuti vana nevarairidzi vakawanda vatye kuenda kuchikoro, inova nyaya yashaisa vagari veko mufaro.

Dambudziko iri rinonzi rava nenguva inodarika mwedzi uye rinoita kuti vana vabatwe nemamhepo vachibvotomoka nekupunzikira pasi, kupupa furo mukanwa nemumhuno pamwe nekumhanya vachitiza pachikoro vachichema.

Pari zvino zvinonzi vana vanokwana 30 havasi kuenda kuchikoro nekuda kwezvidhoma izvi.

Sachigaro wekomiti yeNyahunzvi Secondary School, VaDudzai Muroiwa (45), avo vane mwana anodzidza pachikoro ichi uye ari kurohwawo nezvidhoma, vakataura nezvechishamiso ichi.

“Nyaya yekurohwa kwevana nezvidhoma yatishaisa mufaro. Wangu mwana weForm 3 atosvitsa masvondo matatu asingaende kuchikoro nekuda kwedambudziko iri,” vakadaro.

Vanoti zvakatanga muForm 3 nevana vasikana vaviri avo vaitaura zita remumwe mwana mutsva akauya pachikoro apa anopindawo mugwaro rimwe chete iri. “Vana ava vaingopunzika vachichema vachitaura zita remumwe mwana musikana mutsva pachikoro apa wavaiti ainge atumwa naambuya vake. Mweya uyu waitaura kuti ‘tiri 80’ pachikoro apa zvichiti hazvibve,” vakadaro.

Mweya wezvidhoma uyu unonzi wakazobata vamwe vana vakazosvika 16 pamwe chete avo vanosanganisira vakomana nevasikana.

Mutevedzeri wavo, VaNobody Kawa (42), vakatsinhira nyaya iyi vachiti zvikaramba zvakadaro chikoro ichi chinogona kuvharwa sezvo vabereki vave kutyira vana vavo. “Dambudziko iri ratanga, takashevedzwa kuchikoro tikanoona vana vachichema nekubhidhirika vachitaura zvinhu zvaisanzwisiswa, uye vaine hasha nesimba rakawandisa. Kuvabata chaiko taitadza, mwana mumwe chete aitobatiranwa nevarume vakasimba,” vakadaro.

Vanoti vakazoenda kwaMambo Bepura nekwakanzura wavo, VaMisheck Kamba, kunovaudza nezvenyaya iyi.

“Takamhanya tikatsvaga vanhu vekuti vanamatire vana ndokuzoenda kuna kanzura vedu nekwamambo pamwe nekubazi rezvedzidzo remuno muGuruve, uko takanoona District Education Officer vanonzi VaMubatapasango. Asi kusvika nanhasi hapana danho rakatorwa,” vakadaro VaKawa.

Vanoti mambo wavo vakati masabhuku aungane kukotsvagiwe n’anga, masvikiro nemaporofita anochenura chikoro ichi.

“Mukuru wechikoro, Mai Erica Gakanje, tiri kushanda navo panyaya iyi uye vakaisvitsa kuvakuru vavo. Asi isu sevabereki tiri kuti tanonokerwa kunzwa mhinduro inobva kuvakuru vezvedzidzo nekuti tichaguma tafirwa nevana. Zvakare tine mudzidzisi mumwe chete wepachikoro apa anova mutevedzeri wemukuru wechikoro, VaJoseph Mutembwe, anonzi akavhiringwawo nemamhepo aya. Saka tave kutya kuti vadzidzisi vepo vanova 7 chete vanogona kutiza,” vakadaro.

Sabhuku Masekera, VaTavengwa Munyoro (69), vanoti vashaya zano nekuda kwenyaya iyi.

“Tangomirira kunzwa kuna mambo kuti zvoitwa sei avo vakati tateguru wedu muno, svikiro redu guru, Svembere, rimbouya riongorore nyaya iyi,” vakadaro Sabhuku Masekera. Panotova netsamba yavakanyorera Mambo Bepura vachitsanangudza mafambiro ari kuita nyaya yekuti svikiro Svembere riende pachikoro ichi. Nyaya iyi yakasvitswa kumukuru wemasabhuku, VaGolden Mandaza, avo vakanzi vaipirewo kusvikiro redunhu.

Mumwe wevana vanonzi vari kurohwa nezvidhoma izvi, Trishabel Muroiwa (15), anoti akangodzokera chete kuchikoro zvinobva zvatanga kumuita dititi. “Ndasvitsa masvondo matatu ndisingaende kuchikoro, ndinotya nekuti zvinotanga kana ndanzwa izwi remunhukadzi uyo anonditi, ‘Ndepano’. Ini ndikadavira kuti ‘Ehoi’ ndinobva ndangoona rima, handizoziva zvandinenge ndichiita.

“Zvakaitika kwandiri katatu ndichizoziva ndava kumba kana kuti ndakaunganirwa nevanhu ndichinamatirwa,” akadaro.

Mbuya Miriam Mawani (66) vanoti kubva vachikura mudunhu reGuruve, havana kumbobvira vakaona zvakadai.

“Nyaya iyi yave kuda masvikiro nen’anga, vana havachakwanisa kuenda kuchikoro,” vakadaro.

Graduate Muroiwa (20) anoti kana kufamba nekudivi rine chikoro ichi vanhu vave kutya.

VaGodfrey Muunganirwa (69), vemubhuku raMupangavanhu, vanotiwo nyaya iyi ichaguma yakonzera vabereki kuti vabvise vana vavo pachikoro ichi.

“Mubereki haagone kumirira izvozvo, anobvisa mwana wake. Zvinoda kugadziriswa izvi,” vakadaro.

Mai Noria Kapere (61) vanoti dambudziko iri rinonetsa kunzwisisa.

Mumwe wevabereki vane vana vanonzi vari kurohwa nezvidhoma, VaMathius Muroiwa (50), vanoti dambudziko iri rinofanira kugadziriswa nekukurumidza.

“Izvozvi vana havasi kukwanisa kunyora mazamanishoni epakati pegore, bazi rezvedzidzo, vakuru vechikoro nevakuru vedu muno ngavaone zvekuita.”

Kanzura Kamba veWard 9 vanoti vangomirira zvichabva kuvakuru vedunhu iri.

“Masabhuku ose emuno maBepura akanzi aungane kutaurwe nenyaya iyi,” vakadaro.

Nyaya yepachikoro ichi inonzi yakatanga kuporofitwa nguva yadarika kuchechi yeJohane Masowe zvichinzi kwaizorohwa vana nezvidhoma. Mukuru wechikoro ichi, Mai Gakanje vakaramba kutaura nevatori venhau vachiti havabvumidzwe nemutemo webasa.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMambo Bepura pamwe chete naDEO weGuruve, VaMubatapasango.

Chikoro ichi chine vana vanokwana 231 kubva Form 1 kusvika Form 4 uye chakavambwa mugore ra2003.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×