Varimi vanoda kutsigirwa
MUNGUVA pfupi iri kutevera mwaka weZhizha unenge wanyatsotanga apo mvura inotarisirwa kuturuka zvichireva kuti murimi akangwara anofanirwa kunge atogadzirira zvose zvinodiwa kuti ange achirima zvakanaka uye nenguva.
Musangano wePig Symposium woitwa
KUNE vanoita zvekupfuya nguruve muZimbabwe nemusi wa10 Gumiguru kuchange kuine musangano wepagore wePig Symposium uchaitwa nesangano rePig Producers Association Zimbabwe (PPAZ).
Mhirizhonga: Kutongerwa rufu kwevanhukadzi vemuAfrica
KUBATWA chibharo nekuurayiwa kwemumwe munhukadzi wekunyika yeSouth Africa, Uyinene Mrwetyana (19) wepaUniversity of Capetown nemurume wekunyika iyi Luyanda Botha (42) kwakatyamadza madzimai mazhinji muAfrica nepasi rose.
Vatambi vemungano
MHUKA nevanhu ndizvo zvinonyanya kushandiswa navanasarungano sevatambi vemungano. Mhuka dzinoshandiswawo dzakamirira zvinhu zvinoitwa nevanhu muupenyu. Dzimwe dzemhuka dzinowanzowanikwa mungano dzinosanganisira gudo, shumba, tsuro, bere, kamba, nzou, nedzimwewo.
Idya nyama asi usadyiwe nenyama
ARIPO mazuva ekuti unomuka usingade kumuka. Unomuka wakakumuka mabhaudhi zvekuti unonzwa muviri wako uchikuti, “Ichokwadi kunze kwayedza, asi imborara kwemaminetsi 15 chete.”
Mazita uye nezvaanoreva
BVUNZO zvarakadai kunyorwa, hazvirevi kuti kudzidza kwapera. Tinotofanirwa kuramba tichiverenga kuti tiwedzere ruzivo.
Muporofita osonwa na‘tula’
MUPOROFITA weJohane Masowe weChishanu anogara kuGlenwood Park, kuEpworth, anoti apata musha nekuda kwemukweshwa wenyoka nezvinhu zvaanoti zvidhoma izvo zvinomupindira mumba zvichimurwisa.
Akapisirwa danga remombe
NYAYA yatsikamutanda wekunzi akanwisa muteyo mumwe mudzimai wekwaMangwende, kwaMurehwa, izvo zviri kunzi zvakazokonzera rufu rwake yave nepamwe sezvo ave kupomerwa kupisa danga remombe dzasabhuku weko achiti vane chekuita nekufumurwa kwakaitwa nyaya iyi neKwayedza.
Opikira kuba chimodho
MURUME wekuba jumba remakii epachikoro cheZengeza 2 High, kuChitungwiza, ndokunobazve chingwa chechimodho icho chaive mubhegi remumwe wevashandi wepo nefiriziti akaudza dare redzimhosva kuti nzara ndiyo yakamutuma kuita izvi.
Ruva romushaisa rugare
MURUME wemuHarare anoti aoneswa nhamo neruva — furauzi chairo — iro akagashidzwa neimwe hama yake yepedyo, iye ndokuritambira nemawoko maviri, asi nhasi rave kumuonesa ndondo.






