Chiragwi, Ngezi Platinum vomiswa pamberi pePSL Disciplinary Committee

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weNgezi Platinum Stars — Takesure Chiragwi — pamwe chete nechikwata chake vakashevedzwa kuti vazomire pamberi pePremier Soccer League Disciplinary Committee.

Izvi zvinotevera chiitiko chemasvondo adarika kunhandare yeRufaro muHarare, apo Chiragwi akarova mbama mutambi wechikwata chake, McDonald Makuwe, pavaitatsurana neDynamos mumutambo weCastle Lager Premier Soccer League.

Panguva iyi, Dynamos yainge yadzora, mutambo uyu wave 1-1, apo vatambi veNgezi Platinum Stars vakaita sevanoda kuramwa kutamba nhabvu, izvo zvakazoita kuti muridzi wepembe ape Chiragwi red card.

Izvi zvakabva zvaita kuti Chiragwi aviruke nehasha, ndokubva arova Makuwe, uyo ainge oedza kudzora mukuru wake pakutsamwa kwake.

Naizvozvo, svondo rino, PSL yakazivisa kuti Chiragwi pamwe chete nechikwata chake vachazomira pamberi pedisciplinary committee.

Muchinyorwa chakabva kuPSL, mukushi wemashoko wesangano iri, Kudzai Bare, anoti: “Premier Soccer League yakashevedza Ngezi Platinum Stars nemurairidzi wacho Takesure Chiragwi kuti vagomira pamberi pePSL Disciplinary Committee zvichitevera chiitiko chepamutambo wavo weCastle Lager Premier Soccer League neDynamos wakatambirwa kuRufaro Stadium nomusi wa4 Gumiguru 2025.

“Mhosva iri kupomerwa Chiragwi ndeyokuita hasha nekutadza kuzvibata zvakanaka uye kuita unhu hwakashata, uhwo hunogona kusvibisa nhabvu.

“Mhosva iri kupomerwa Ngezi Platinum Stars FC ndeyokutadzisa kuti mutambo wenhabvu ufambe zvakanaka uye unhu hwakashata uhwu hwakarakidzwa nevarairidzi vechikwata ichi pamwe chete nevatambi vacho.

“Nyaya iyi ichazonzwikwa kumahofisi ePSL nemusi wa28 Gumiguru.”

Nyaya yaChiragwi yekurova mutambi wenhabvu inotevera imwe yakamboitika mwaka uno yenhengo yechikwata cheYadah Stars — Spence Mudavadi — uyo akazotemerwa zvirango nePSL mushure mokunge arova mubati wepagedhi wechikwata ichi, Godknows Gurure, apo vainge vakundwa neNgezi Platinum Stars.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×