Dopiro guru rekuvhetemesa motokari roitwa

Muchaneta Chimuka

KUCHANGE kusingadanwi anonzwa kumakwikwi makuru ekuvhetemesa motokari, ayo achaitwa nomusi weSvondo, 7 Gunyana 2025, kuBorrowdale Racecourse, muHarare.

Mutambo uyu weSelekta Base BlowOut Festival, uyo uchange uchikotsverwa naDJ Selekta Base, wakakosha pakuti unovaraidza nekunyevenutsa pfungwa.

Unoitwa gore negore, apo vanhu vanofarira nyaya dzekuvhetemeswa kwemotokari uye vane unyanzvi munyaya dzemimhanzi vanenge vakati ti-i.

Achitaura nemunyori uno panhare, Dj Selekta Base, zita rake chairo riri Anorld Chingwererwe, anoti kuchange kuine mibairo yakati wandei ichapihwa vachakunda mumakwikwi aya.

“Tichange tichitengesa matiketi eraffle nemuripo mudiki weUS$5. Achatora mubairo wokutanga achaenda kumba neiPhone 16 Pro Max. Mubairo wepiri iGalaxy A9 tablet, kuchizoti mubairo wetatu maheadphone. Hakuna anodzokera kumba asina chaakabata nokuti izuva rekufara nekucherechedza kukosha kwemotokari munyaya dzemitambo.

“Mitambo yekuvheyesa motokari ndeyemazera ose uye kune vechidiki, uyu ndiwo mukana wekutandadza pfungwa, tichiti zvakare kwamuri siyai zvinodhaka nokuti zvinoparadza upenyu,” anodaro.

Anoti mitambo iyi ichapindwa nemaspinner emunyika muno nemamwe achabva kuSouth Africa, ayo ari kuvimbisa mitakunanzva yemitambo.

“Vanhu havasi kuzongoona kuvhetemeswa kwemotokari bedzi asi vachawaniswa mimhanzi yemhando yakasiyana-siyana kubva kuvaimbi vakadai saFreeman HKD, Nutty O, Sano Wav naSilent Killer, uyo achange achitsigirwa naDJ Rax, Rawse, Atlanta Kid naMadeHerBelieve, saka kuchange kusingadanwi anonzwa,” anodaro

DJ Selekta Base anoti mitambo iyi ichatanga na11 mangwananai kusvika 6 manheru, nokudaro anovimbisa mhuri dzichapinda muchirongwa ichi kuti dzichatakura nhoroondo huru maringe nezvichitikako.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *