Muchaneta Chimuka
HURUMENDE, kuburikidza nebazi redzidzo yepurayimari nesekondari rakabatana nemasangano anotsigira dzidzo, yakaparura chirongwa cheMenstrual Health Management Networking chekubatsira vanasikana vanosvika 1,6 miriyoni muzvikoro nemidziyo yekushandisa panguva yekutevera.
Masangano ari kubatsirana neHurumende pasi pechirongwa ichi anosanganisira Education Coalition of Zimbabwe (ECOZ), Care Zimbabwe, UNICEF neEcobank.
Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi muHarare, mutevedzeri wegurukota rebazi redzidzo yepurayimari nesekondari, Cde Angeline Gata, vanoti vanotenda zvikuru mushandirapamwe uri kuitwa nemapoka akasiyana mukutsigira vana muzvikoro.
Vanoti Hurumende yakazvipira kusimudzira utano hwekutevera ichitevedza chikamu cheSection 4(a) cheEducation Act unove mutemo wakavandudzwa muna2019.
“Bazi redzidzo rine donzvo rekuona kuti vadzidzi vese vawaniswa zvekushandisa zvakakwana panguva yekutevera kuti vachengetedze utsanana uye tisava nenyaya dzevana vanorovha chikoro nekuda kwekushaiwa zvikwanisiro. Tinoda kuti vanasikana vawane dzidzo yakaenzana neyevanakomana asi kana pasina zvikwanisiro izvi hationi tichikunda,” vanodaro.
Cde Gata vanoenderera mberi vachiti: “Tinotenda Hurumende nekuchera kwairi kuita zvibhorani muzvikoro kuti vadzidzi vawane mvura yakakwana yekushandisa. Dzidzo inofamba zvakanaka kana zvirongwa zveutano zvichitsigirwa seizvozvi.”
Vanoti vanasikana vazhinji vachiri kutarisana nedambudziko rekurovha chikoro nekuda kwekushaiwa zvekushandisa panguva yekutevera zvinoita kuti vasaririre mudzidzo yavo.
“Kubva muna2019, Hurumende yakaedza kuvhara mukaha uyu kuburikidza nehurongwa hwebhajeti rekutenga ma‘sanitary ware’ anoshandiswa kwenguva ndefu (reusable sanitary ware) uye anoshandiswa kamwe chete (disposable sanitary ware) anova akagoverwa muzvikoro zvesekondari nepurayimari kubva kuvadzidzi vedanho reGrade 4 kusvika A-Level, zvikuru sei kuzvikoro zvekumaruwa pasi pemakomiti eSchool Menstrual Health Committees,” vanodaro.
Cde Gata vakapembedza zvikuru mudzimai wemutungamiri wenyika, First Lady Dr Auxillia Mnangagwa, avo vari kutungamirira zvirongwa zvakasiyana zvekutsigira vanasikana, kusanganisira kuvawanisa midziyo yekushandisa panguva yekutevera muzvikoro.
Muzvare Charlene Ambali vanove assistant country director – programs kuCare Zimbabwe vanoti kuburikidza nekushanda pamwe chete neHurumende, hapana mudzidzi acharovha kuchikoro nekuda kwekushaikwa kwemidziyo iyi yeutsanana.
VaMike Dengwani vanova senior executive muhofisi yamanaging director kuEcobank vanoti vari kufara zvikuru nekutsigira chirongwa ichi nemari uye zvekushandisa.
“Takabatana neCare Zimbabwe mukuwanisa vanasikana muzvikoro mabhaketi madiki anosvika 2 350 ayo anenge aine zvikwanisiro zvese zvinodiwa panguva yekutevera zvinosanganisira sipo, tauro ne‘sanitary ware’. Vanokwanisa kusandisa mabhajeti aya mukugeza maReusable Sanitary
Ware vari muzvikoro kana kudzimba. Kakawanda vamwe vanasikana vachisekwa nekuda kwekuti vanenge vanyangadza mayunifomu avo panguva yekutevera zvinova zvinodzikisira chimiro chavo, saka tinoda kubvisa rusarura urwu kuburikidza nekuvawanisa zvekushandisa,” vanodaro.
Cloris Mashonga anova programmes manager kuGirls and Women Empowerment Network (GWEN) anoti vanoshanda nemamwe masangano mukutsigira vanasikana nezvekushandisa panguva yekutevera apo vanotenga midziyo vachivasonera.
Makanaka Madondo anova Junior Member of Parliament weMutare West Constituency ari zvakare mudzidzi wepaNharira High School, kwaMarange anoti anotenda zvikuru rutsigiro urwu sezvo rwuchaita kuti vanasikana vabudirire muzvirongwa zvavo zvedzidzo.
Mashoko ake anotsigirwa naNokutenda Matsive anova Junior Councillor weWard 26 kuZengeza uye ari mudzidzi wepaZengeza 2 High achiti kana vanasikana vakawaniswa zvekushandisa panguva yekutevera vanoenda kuchikoro vakafara pasina kutya zvinoita kuti vabudirire mudzidzo yavo.



