Kusazeza kuzama zvitsva kwandisimudzira: Feli Nandi

Trust Khosa

MUIMBI ane mukurumbira, Feli Nandi, anoti kuve nerutendo uye kusatya kuzama kuita zvinhu zvinotaridza sezvisingazobudirire ndizvo zviri kuita kuti arambe achisimukira muindasitiri yezvemimhanzi zvisinei nekuti anenge achisangana nezvigozherwo.

Akakwanisa kusimukira kubva pakuve muimbiwo zvake pamwechete nemutambi wechimwe chikwata kusvikira ave kuzvimirira.

Feli Nandi, uyo ari mudenga rechinonwe zvichitevera dopiro raachaita nemusi wa14 Nyamavhuvhu kuHarare International Conference Centre, anoti ane kutenda kukuru nekuda kwetarenda rake.

“Nyaya dzemimhanzi hadzizi dzevane hana nhete uye ndinoramba ndichishanda nesimba zuva rega-rega,” anodaro.

“Gore rega-rega, ndinotoona kuti ndaita shoo yangu yekusangana nevatsigiri pasi pemusoro unoti ‘Husiku naFeli Nandi’ iyo yave kufarirwa zvakanyanya nevatsigiri vangu.

“Ndange ndichiita chiitiko chepagore ichi pa7 Arts Theatre kuAvondale, asi nekuda kwemukurumbira weshoo iyi, tave kuenda kunzvimbo yakakura —Harare International Conference Centre.

“Ndinozviziva kuti nzvimbo iyi yakafaranuka, asi semuimbi ndinoda kuramba ndichikura uye ndizvo zvaita kuti nditore danho iri,” anodaro.

Feli Nandi, uyo aimboimba nechikwata cheMhodzi Tribe, anobvuma kuti anonzwa kusagadzikana nekuda kweshoo iri kuuya iyi iyo inove yechipfumbamwe.

“Kutaura chokwadi, ndinonzwa kusagadzikana uye kunzwa zvakare kuti zvinoendeka chete panguva imwechete takatarisana neshoo yemunaNyamavhuvhu.

“Kune vamwe venyu, Nyamavhuvhu anogona kuita seachiri kure, asi kunesu tiri kuita hurongwa, mazuva anoita seari kumhanya kudarika zvinenge zvakatarisirwa.

“Ndicharamba ndichiita zvandinogona nemwoyo wose kuitira kuti ndiwane vatsigiri vatsva,” anodaro.

Muimbi uyu, uyo ane mukurumbira nenziyo dzinosanganisira: “Muti Watemwa,” “Mubayei,” “Nguva,” na“Ndoona Iwe,” anoti anotenda kuti Mwari vakamuzodza kuti avashumire uye kushandira vanhu kuburikidza nenziyo nekutamba.

“Pachokwadi, ndiMwari chete akandiropafadza nechipo ichi uye ndicharamba ndichirumbidza zvinhu zvakanaka zvaakandiitira.

“Ndinotenda kuti Mwari vakandipa tarenda rakasanangurika kuitira kuti ndivaraidze mamiriyoni evanhu nechipo ichi.

“Ndakazvipira kushandisa chipo ichi uye nekuona kuti ndagoveranawo nevatsigiri,” anodaro.

Feli Nandi, uyo akahwinha mibairo yepamusoro-soro ine chitsama uye nekuimba pazviitiko zvakasiyana-siyana, anoti acharamba achishanda nesimba zvisinei nemukurumbira waava nawo.

“Ndicharamba ndakazvininipisa, uye ndiri Feli Nandi wakare uyo vanhu vanoziva, ndichiri kuramba ndichida kutaura kuburikidza nemimhanzi nepandinokwanisa napo.

“Ndinoremekedza vatsigiri vangu nevose vanofadzwa nemhanzi yangu, izvo zvinoita kuti tirambe tichibura mhanzi inodakadza,” anodaro.

Kunze kwekuimba, Feli Nandi anofanirawo nyaya dzekusimudzira mucheno sezvo ane bhizimisi rekutengesa mbatya rinozivikanwa nekuti “VaskanaVeMarokwe”.

Ane nzvimbo zvakare inobikwa nekutengeswa chikafu chinosanganisira chechinyakare.

Pamusoro pezvo, Feli Nandi anozivikanwawo nekurwira kukodzero dzevanasikana nemadzimai echidiki kumativi mana enyika.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×