Trust Khosa
NHENGO dzichikwata chaAlick Macheso parizvino vari kumboita mabhindauko ekurima apo vakazorora zvemimhanzi muna Ndira.
Orchestra Mberikwazvo chimwe chezvikwata zvikuru muZimbabwe, chinozivikanwa munyika yose, mudunhu reAfrica nepasi rose.
Zvakakosha kuti nhengo dzechikwata ichi vambozorora nekuda kwebasa ravanenge vachiita munyaya dzemimhanzi, izvo zvinoona vachiita mashoo anokwana matatu pasvondo rega-rega.
Kuzorora munaNdira chimwe chezvikamu zvinogara zvichiitwa nechikwata ichi senzira yekuvandudza simba ravo.
Tichaona Makahamadze, mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko kuOrchestra Mberikwazvo, akaudza Zimpapers Arts and Entertainment Hub kuti vakaronga kuita mabhindauko anoendeka panguva yezororo yepagore iyi.
“Nhengo zhinji dzeOrchestra Mberikwazvo varimi, izvo zvinobva pahurongwa hwedu hwekuwana zvimwe zvekuita kubva makore adarika,” anodaro.
“Pane kungozorora pasina zvavari kuita munaNdira, vari mushishi kuita mabasa kumapuroti kwavo. Vakawanda vavo vanorima fodya, iyo inoda kuzvipira kwakanyanya.”
Makahamadze anoti Macheso haadi munhu ane hunyope.
“KuOrchestra Mberikwazvo, tinogara tichikurudzirana kushanda nesimba uye kuti munhu asavimbe nekuita basa rimwechete. Ndosaka tichikurudzira nhengo dzechikwata chedu kuti dzive nehumwe hurongwa hwezvekuita.”
Macheso, uyo anoita mashoo anosvika 120 pagore, anopa mukana zvakare kunhengo dzechikwata chake kuti vasangane nemhuri dzavo munaNdira.
“Sezvaunoziva, tiri chikwata chinoita mashoo zvakanyanya, asi panosvika nguva yekuti tinodawo kuve nemhuri dzedu. Nhengo dzechikwata chedu dzinosangana nemhuri dzavo munaNdira sezvo takambomira kuita mashoo kunze kwekunge paine zvimwe zvaitika.
“Basa redu rinoita kuti kazhinji tisawane mukana wekuve nemhuri dzedu kwenguva yakareba. Tinofamba zvakanyanya patinenge tichiita mashoo, asi munaNdira tinopa nhengo dzechikwata chedu nguva yakawanda yekuve nemhuri dzavo neshamwari,” anodaro Makahamadze.
Anoti vanombowanawo nguva yekudzidzira kuridza kuitira kuti zvemimhanzi zvirambe zviri mavari.
“Tine chirongwa chakasanangurika icho tinombowana nguva yekudzidzira.
“Hatizodzidzirawo mazuva ose, asi tinoona kuti mumwe nemumwe wedu anoramba achitaridzika zvakanaka. Vashandi vedu vose vari kufara nezororo, sezvo tinodawo kupa vatsigiri vedu nguva yekuti vazvidzoreredze zvichitevera zororo reKirisimasi negore idzva,” anodaro.
Makahamadze anoenderera mberi achiti: “Muna 2026, tichange tiine mashoo nenzendo dzakawanda dziri kuuya munyika yose. Tinogara tichiita zvose zvatinokwanisa mukuona kuti vatsigiri vedu vari kufara, sezvo tisingade kungoita zvinhu zvimwechete.
“Kwatiri, shoo imwe neimwe ine zvitsva zvainounza maringe nekudzidza, uye hatidi kuti maitiro edu agare achizivikanwa, mukutaura muchidimbu. Sechikwata chesungura chinonyanya kuteverwa, tine zvakawanda zvatakagadzirira vatsigiri vedu.”
Kubvira makore adarika, Ndira anoonekwa semutoro nevamwe vaimbi vanenge vasina zvekuita.
Kushaya zvekuita munaNdira kunogona kutuma dzimwe nhengo dzezvikwata zvemimhanzi kuita misikanzwa.
“Tinozviziva zvakanyanya kuti zvinhu zvakawanda zvisingafungirwe zvinogona kuitika panguva yezororo repagore, asi tinogara tichitaurirana sechikwata.
“Kunze kweWhatsApp group redu, tinoshanyirana zvakare mumwe nemumwe wedu, kuitira kuti sungano yedu irambe iripo. Kana mumwe wedu akawirwa nedambudziko, tinobatsirana,” anodaro.
Makahamadze anoenderera mberi achiti: “Tichaita shoo yedu yekutanga musvondo rekupera kwaNdira asi hatisati tanyatsoziva kuti zvichange zvakamira sei maringe nenzvimbo yacho. Tinotenda zvakanyanya vatsigiri vedu, vakotsveri nemapuromota vatakashanda navo mumwaka uchangodarika wa2025. Sechikwata, hatikwanise kutenda Mwari zvakaringana nekuda kwezvose zvavakatiitira.”



