Mukudzei Chingwere
PRESIDENT MNANGAGWA vari kushushikana nekushaya kuri kuita chikwata chenyika chemaWarriors nhandare yekutambira nhabvu uye vanoti dambudziko iri rinofanirwa kugadziriswa nekukasika.
Izvi zvakaziviswa negurukota remitambo, kutandara uye nyaya dzetsika nemagariro, Lieutenant-General (Retired) Anselem Sanyatwe, muHarare nomusi weChipiri svondo rino.
Vaitaura padivi mushure mekupera kwemusangano wedare reCabinet.
Vanoti President Mnangagwa havasi kuzogamuchira kunonoka kupedza kuvandudzwa kwenhandare yeNational Sports Stadium (NSS) kunodarika Kurume 2026.
MaWarriors anofanirwa kutanga kutamba mumitambo yeAFCON munguva pfupi iri kutevera.
Dare reCabinet nomusi weChipiri rakaita hurukuro pamusoro penyaya yemaWarriors yekushaya nhandare yekutambira uye rakaziviswa nezvemafambiro ari kuita basa rekuvandudzwa kweNSS, iyo inokwanisa kupindwa nevanhu 60 000.
Vachitaura mushure medare iri, Lt-Gen (Retd) Sanyatwe vanoti nguva inofanirwa kupera kuvandudzwa kwenhandare iyi yakaziviswa kumakambani ari kuita basa racho uye izvi zvichaitwa mukati menguva yakatarwa.
“President havana kugadzikana nenyaya yokuti Zimbabwe iri kutambira mitambo yayo yepamusha yepasi rose kunze kwenyika uye kana President vakataura kudaro ndinoziva zvazvinoreva,” vanodaro.
“Zvinoreva kuti nhandare iyi inofanirwa kupera kuvandudzwa, zvikwata zvedu zvotanga kutambira mitambo yazvo yepamusha yepasi rose zviri pamba.
“Basa rekuvandudzwa kweNational Sports Stadium rave padanho repamusoro uye ndinofara nemafambiro ariri kuita kusvika parizvino.
“Ndakaona makambani ari kuita basa iri achishanda siku nesikati uye ndakavatarira nguva yokuti vapedze basa iri rekuvandudza.
“Nhandare iyi inofanirwa kunge yapera panozotanga mwaka mutsva wenhabvu wemuna 2026,” vanodaro Lt-Gen (Retd) Sanyatwe.
NSS nedzimwe nhandare dzose dziri munyika dzakanzi hadzina kukodzera kutambirwa nhabvu neConfederation of African Football, izvo zviri kuita kuti maWarriors atambire mitambo yawo yepamusha kunze kwenyika.
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Dr Jenfan Muswere, vanoti Cabinet yakaturirwa mafambiro ari kuita basa maringe nekuvandudzwa kweNSS.
Vanoti kuvandudzwa kuri kuitwa nhandare iyi chikamu chechirongwa chikuru chekugadzirisa nhandare dzezvemitambo munyika yose kuitira kuti dzikwanise kutambirwa mitambo yepasi rose.
“Kuburikidza nechirongwa chepublic-private partnership model, icho chakanangana nekufambiswa nekukasika kwemabasa ekuvandudzwa, budiriro huru yavepo kuNational Sports Stadium, kusanganisira migero inofambisa mvura munhandare. Kuiswa kwemushonga uye kudyarwa kwetsangadzi kunotarisirwa kutanga munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Dr Muswere.
Vanoti kuitwa kwebasa remigero inofambisa mvura kunzvimbo yeB Arenkuri kufambira mberi apo rimwe basa, kusanganisira remagetsi, rave pachikamu che90 percent.



