Munyori weKwayedza
MURUME wekuSt Mary’s, kuChitungwiza akatongerwa kugara mujeri kwemakore 20 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo mwanasikana wake ane makore 15 okuberekwa ndokumupa pamuviri pamwe nekuzoita kuti pamuviri apa pabviswe apo vaigara vose kuSouth Africa.
Izvi zvakaitika mugore ra2023 apo baba ava vaigara nemwanasikana wavo kuCape Town, kuSouth Africa.
Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates Courts, Mai Gloria Takundwa, vakatemera baba ava, avo vane makore 48 ekuberekwa, chirango chekugara mujeri kwemakore 20 pamhosva dzese dziri nhatu idzo dzinoti kumubata chibharo, kumurova nekumuyamwisa sikarudzi yavo.
Zvisinei, vakazovabvisira mwedzi mitanhatu pachirango ichi nechitsidzo chekuti havafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.
Baba ava vakatiza kunyika yeSouth Africa mushure mekunge vanzwa kuti nyaya yavo yainge yatekeshera paFacebook vachibva vauya kuZimbabwe mumwedzi waGumiguru 2025.
Vakazosungwa muZimbabwe nekuda kwenyaya iyi.
Mushure mekubvisisa mwana uyu pamuviri kunyika yeSouth Africa, vakaita kuti anogara neaimbova shamwarikadzi yavo inova yakaona kurwara kwakanyanya kwemwana uyu ichibva yamubvunza zvakaita kuti adure nezvechibharo ichi.
Shamwarikadzi iyi yakabva yabatsira mwana uyu kuti anomhan’ara nyaya iyi kumapurisa kuSouth Africa.
Mwanasikana uyu akazouya kuZimbabwe muna Ndira gore rino mushure makunge veukama vanzwa nezvedambudziko iri vachibva vaunganidza mari yekuti adzoke kuZimbabwe.
Mwanasikana uyu akagara nababa vake kuSouth Africa kubva 2023 kusvika Nyamavhuvhu 2025.
Muchuchisi Tendai Ruwocha vakaudza dare kuti nomusi wa22 Kurume 2024, baba vemwanasikana uyu vakadzoka kubva kubasa ndokumupa nyama yekuti abike apo vaive vari kuSouth Africa.
Vakazomutaurira kuti abvise mbatya dzake asi akaramba achibva anyebera kunge ari kunzwa mudumbu achiti aida kumboshanyira chimbuzi achibva atiza.
Baba ava vakamutandanisa vakamubata kwava kumurova ndokumudhonzera mumba umo vakanomubata chibharo.
Vakaenderera mberi nekumubata chibharo kudzamara aita pamuviri apo vakazonobvisisa kune chimwe chipatara chekuSouth Africa.
“Ndakaridza mhere asi hapana akauya kuzondinunura nekuti kuSouth Africa vanhu vanotya kupfurwa nemakororo ane pfuti,” anodaro mwana uyu mudare.
Anoti kubva zuva iri baba vake vaimubata chibharo pese pavaida kusvika azobata pamuviri muna Kukadzi 2025.
“Pandakaita pamuviri, handina kuziva kuti ndaiva nepamuviri ndikaudza baba vangu kuti vandiendese kuchipatara. Ndakarwara zvikuru ndichinzwa kupera simba. Ndakanoongororwa ndikaonekwa kuti ndainge ndava nepamuviri pane mwedzi mina. Baba vakaudza machiremba kuti
vabvise pamuviri apa. Mushure mekubvisa pamuviri, ndakaenda kunogara neaimbove musikana wababa vangu ndokubva andibvunza kuti sei ndaigara ndichirwara. Ndakamuudza nezvechibharo ichi akandibatsira kumhan’ara nyaya iyi kumapurisa,” anodaro mwanasikana uyu.
Zvisinei, anoti baba vake havana kusungwa nekuti vainge vatotiza mushure mekunzwa nezvenyaya yavo paFacebook.
Nyaya iyi yakamhan’arwa kuLingethu Police Station muCape Town, South Africa nenhamba dzinoti 021 – 7602260.
“Ndakauya kuzogara muZimbabwe ndikazivisa nyaya iyi zvakare kuna tete vangu vane makore 61 okuberekwa avo vakandiperekedza kumapurisa,” anodaro.
Tete vake vanoti vakanyeverwa nezvenyaya iyi nemukoma wavo aigara kuSouth Africa uyo akatumira mashoko paWhatsApp Group remhuri.
“Ndakakumbira mwanakomana wangu kuti atarise paFacebook akatsinhira kuti nyaya yacho yaivepo zvedi. Takatanga kuunganidza mari semhuri kuti mwana uyu adzoke kuZimbabwe. Sezvo mwana aida kuenderera mberi nenyaya yake, takamubatsira kuti imhan’arwe kumapurisa,” vanodaro tete ava.



