Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuPenhalonga, kwaMutare, ari kufeya nyaya yemurume anonzi aibata chibharo mwanasikana wake mushure mokunge arambana naamai vacho.
Nyaya iri kufeewa iyi, iyo ine nhamba inoti CR264/07/26, yakamhan’arwa kumapurisa mumwedzi waChikunguru gore rino ra2026.
Mutauriri wemapurisa munyika Commissioner Paul Nyathi vanoti murume ari kutsvagwa nemapurisa uyu (zita rake tinaro) ane makore 70 okuberekwa uye anobva kwaMutungagore, mumusha waSabhuku Ziniga. Vanoti ari kudiwa nokuda kwemhosva yaari kupomerwa yekubata mwanasikana (zita rake tinaro) wake chibharo.
“Pane nyaya yakamhan’arwa kumapurisa edu ekuZRP Penhalonga, kuManicaland, yemurume anonzi aibata mwanasikana wake chibharo kwenguva yakareba. Zvisinei, nyaya iyi yakazomhan’arwa mumwedzi waChikunguru gore rino ra2026, apo mapurisa edu ari kuifeya,” vanodaro Comm Nyathi.
Murume uyu anonzi akarambana naamai vemwanasikana uyu. Akasara achigara nemwanasikana uyu, waanonzi aibata chibharo kakawanda munguva dzakatsaukana.
“Mhosva iyi inonzi yakaparwa panguva iri pakati pegore ra1996 na2001. Zvinonzi murume uyu paakatanga kubata mwanasikana uyu chibharo, mumhan’ari aiva nemakore gumi nerimwe chete mugore ra1996, ndokuzoenderera mberi kusvikira mugore ra2001,” vanodaro Comm Nyathi.
Mwanasikana aibatwa chibharo uyu anonzi ave nemakore 41 parizvino uye akatoroorwa.
Zvinonzi mwanasikana uyu akatanga kusangana nematambudziko akasiyana-siyana kumurume kwaakaroorwa uye minyama, izvo zvakazoita kuti afunge zvekumhan’ara nyaya iyi.
“Mapurisa edu ari kufambira mberi nekufeya nyaya iyi, tichikurudzirawo voruzhinji kuti vamhan’are nyaya dzavo nenguva kuitira kuti umboo hubatanidzike zvakanaka nguva ichiripo. Zvisinei, semapurisa, tinoti mhosva hairovi,” vanodaro Comm Nyathi.