Big Man-U song

Red Devil: Layaan! Cha-chakatochaya paye paye

Vana Rooney vakasvikirwa vachitamba zvavo muWembley,
Barca yakauya zvikanzi nhasi panorohwa munhu pa assembly,
Chicharito akachema zvikanzi, ‘Messi, vanhu ava dai wavarega,
Haizi mhosva yavo, Havana kumbopinda muno vega,”
Tuma fans twakachema……

Barca musarova Big Man-U,
Barca, Musarova Big Man-U
Ndisu tavapinza muno,
Ndisu tavapinza muno…

Ndakaona Fergie akanetseka,
Akugaya kuita yedu yechi Actor,
Akadedera anzwa ne kumhanyiswa game rese,
Kwaiva kutambiswa choms zuva rese,
Rooney akadzora go-bhora ra Pedro,
Tikati zvedu zvauya zvino zvatave padraw,
Xavi nevamwe vanatsano vaviri vanga vane shungu,
Vakatanga kutamba bhora ravo tikaita dzungu,
Inini, ndopandakatanga kuongorora,
Ndakazviona kuti iyi yava horror,
Messi hameno zishot raakarova,
Ma-fans edu mhere vakabongomora,
Vakachema………..

Barca musarova Big Man-U,
Barca, Musarova Big Man-U
Ndisu tavapinza muno,
Ndisu tavapinza muno,

Takatoona kuti tanga tapisira,
Hameno Pep zvaanga avatipira,
Ndakambogaya kuita hunhu wemuninja Diouf,
Hwekutyora munhu gumbo ndomusvipira,
Zvisinei ndakadzikamisa hana,
Chataikwanisa kuita hapana,
Chinhu chega change chasara kuvapakira bhazi,
Totamba formation yeku Mars,
Vakatipima vakaona tiri vana,
Nekuti taitamba kunge maGunner,
Messi akatinzvenga pachininja,
Busquets akapa bhora kuna David Villa,
Takabva tarohwa sevasikana,
Kubva pa Man-U kuitwa Girl-U
Tuma fans twedu twakachema…

Barca musarova Big Man-U,
Barca, musarova Big Man-U
Ndisu tavapinza muno,
Ndisu tavapinza muno…

Twakachema……………………

Adapted from original lyrics from Messi we Reggae. Special thanks to brother Itayi Darts Katena

Related Posts

Kalanga: MAYIDZO

Wiseman Sibanda, [email protected] Banhu batema banazila yabanotjila nayo inonga inosiyana nedzimwe njudzi dzinowanika muhango. Tjimwe tjezwinobapalalanya nedzimwe njudzi mayidzo. Mayidzo milayo isakakwagwa pasi koga inosiyigwaniwa kubva kubawhola inda kubatjetjana. Milayo…

The heart of home Nurturing bonds that last a lifetime

Pauline T Nenerai, [email protected] In the rush of work, school runs, and daily schedules, the most important investment many parents will ever make isn’t financial. It’s time. The bond between…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×