Bumha renhunzi rakatungamira kunotaridza pane mutumbi wemwana

Kingstone Mapupu

MUNYAYA inoita sebhaisikopo, bumha renhunzi rinonzi rakatungamira mumwe murume kunosvika paive nemutumbi wemwana ane makore maviri okuberekwa, uyo wakanikwa uri murwizi.

Mwana uyu anofungidzirwa kuti akaita zvekupondwa papurazi reDunstan, mudunhu raMambo Rusike, kuGoromonzi.

Mutumbi wake wakazowanikwa uri murwizi rwaHunyani mushure mokunge bumha renhunzi ratungamira kwawaive.

Nicole Isaac, wemakore maviri nechidimbu okuberekwa, akashaikwa pamba paaigara naambuya vake, amai vaamai, nomusi wa7 Kukadzi gore rino apo aitamba nevamwe.

Mutumbi wake wakazowanikwa murwizi rwaHunyani wakayangarara pamusoro pemvura, chinhambwe chemakiromita matatu kubva kumba kwavo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya yekuwanikwa kwemutumbi wemwana uyu mumvura, vachiti inyaya iyi iri kuferefetwa.

VaTaurai Isaac (33), vanove babamukuru vemwana uyu, vanoti mawanikirwo akaitwa mutumbi wake anoshamisa. Vanoti murume akaona mutumbi uyu aizvifambira zvake apo akaona nhunzi hombe dzakawandisa dzichibhururuka nepamberi pake, izvo zvakamushamisa zvakanyanya.

“Murume uyu, uyo anobva kwaSeke uye ane munda mupurazi redu reDunstan, anoti aiyambuka rwizi, ndokubva aona nhunzi dzakawandisa sebumha renyuchi asi dziri hombe kudarika nhunzi dzatinoziva dzichitevedza rwizi. Anoti akabva atevera nhunzi idzi kwechinhambwe, dzichibva dzasvikomhara padivi pemutumbi wemwana uyu mumvura,” vanodaro VaTaurai Isaac.

Vanoti nhunzi idzi dzakasvikoungana pamvura ipapo dzakaita bumha, dzichibva dzazosimuka, ndokubhururuka dzave kuenda, mushure mokunge murume uyu aona mutumbi wemwana.

“Ndiwo mawaniro anoshamisa atakaita mwana. Murume uyu, semunhu akanga anzwa kuti kwaishaikwa mwana, akazouya mumusha medu maSabhuku Chiromo, ndokutizivisa nyaya iyi, ikazomhan’arwa kumapurisa, mutumbi wemwana uyu ukatorwa. Chakatinetsa ndechokuti pamazuva akagara mwana uyu tichimushaya aiva asina kuora uye ura hwaive panze, izvo zvinoita kuti tifungidzire kuti akapondwa,” vanodaro VaTaurai Isaac.

Vanoti nezera nemwana uyu, kana pachitariswa chinhambwe chekubva kumba kwaaigara kunosvika kurwizi, kure zvokuti haaimbokwanisa kufamba kunosvika ikoko ari oga.

Mutumbi wemwana uyu uri muimba yerunyararo yekuChitungwiza Central Hospital, wakamirira kuongororwa nanachiremba.

Mai Shamiso Muswe (56), vanove ambuya vemushakabvu, kudivi rababa vake, vanoti mashaikirwo akaitwa muzukuru wavo anoshamisa sezvo aitamba nevamwe vana pamba. “Mwana aigara naambuya vake, amai vaamai, pamwe chete naamai vacho sezvo mwanakomana wedu akasiyana nemudzimai uyu. Tinonzwa kuti ambuya vake vakabva pamba vachienda kunogashira mwanasikana wavo kurwizi rwaHunyani, ndokusiya mwana uyu nevamwe. Mwana anonzi akazongoshaikwa zuva iroro, ndokuzowanikwa mushure mesvondo mutumbi uri mumvura,” vanodaro Mai Muswe.

Vanoti kubva pamba paive nemwana kusvika kurwizi, hazvaigona kuti, nezera rake, afambe oga. Pamusoro pezvo, vanoti nzvimbo yose iyi yakakomberedzwa newaya nemasango akapfumvura zvikuru. “Pane mashoko anoti kune vanhu vakanzwa mwana aichema kumakuva musi uyu asi hapana akaenda kunonzwa kuti chii chaiitika. Hatizivi sezvo nyaya yave kumapurisa, saka tangomirira zvichabuda,” vanodaro Mai Muswe.

Mai Mirriam Jasi (47), ambuya vemwana uyu, vanove amai vaamai vake, vanoti vakabva pamba kuma12 masikati vachienda kunotambira mwanasikana wavo aibva kuChikumbamarara, kwaSeke, ndokuzodzoka kuma1 masikati vachisvikoshaya mwana.

“Mwana ndakamusiya achitamba mahumbwe nevamwe vatatu vakuru kwaari vari pamba. Pakuzodzoka, ndakasvikotaurirwa kuti mwana aishaikwa,” vanodaro Mai Jasi.

Vanoti vakatanga kutsvaga mwana uyu kusvikira kwadoka, ndokurarira kusvikira rechimangwana racho. “Pakutsvaga kwataiita mwana uyu, pane vamwe vanoti vakanzwa mwana aichema kudivi rekumakuva kune michero yenzwirwa nenhunguru. Hapana akagona kunotarisa mwana aichema uyu kuti aiva ani. Ndinorwadziwa nemafiro akaita muzukuru wangu. Handizivi kuti akafa netsaona yekuwira mumvura here kana kuti kupondwa; zvave mumaoko emapurisa,” vanodaro Mbuya Jasi.

VeKwayedza pavakaenda kunhamo yemwana uyu, amai vake, Petronella Dube, nemurume wavakarambana naye, Simbarashe Isaac (26), havana kuonekwa sezvo vaifambira magwaro okuti mutumbi uzovigwe.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×