Mapurisa oyambira anatsikamutanda

Kingstone Mapupu naMuchaneta Chimuka MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuyambira n’anga dzinoita zvehutsikamutanda kumaruwa nekumapurazi dzichiunganidza vanhu kuti dzisiyane nemaitiro aya panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 sezvo kuita kwakadai…

Mwana akasvipwa negarwe

Danisa Masuku MWANA mukomana ane makore 13 okuberekwa anogara mubhuku raDick, kuHwange, anonzi kasvipwa negarwe rainge ramuruma gumbo mushure mekunge arwisana naro apo rakamubata achiraura hove mudhamu reKalope Dam. Craighton…

Pfumvudza younza maguta – ZFU

Kingstone Mapupu SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti kunaya kwemvura yakawanda mwaka uno kwaita kuti nyika itarisane negoho guru rechibage nezvimwe zvirimwa zvichitevera chirongwa chePfumvudza icho chakavambwa neHurumende. VaPaul Zacharia,…

Vochema nemakomba munaSeke Rd

Muchaneta Chimuka SANGANO rePassenger Association of Zimbabwe, rakabatana neCombined Harare Residents Trust, rakanyora tsamba kubazi rinoona nezvekufamba nekusimudzirwa kwezvivakwa richipa chikumbiro chekuti mugwagwa weSeke Road ugadzirwe nechimbichimbi zvichitevera kuwanda kwetsaona…

Mafashamu kuChitungwiza

Muchaneta Chimuka KANZURU yeChitungwiza iri kuyambira vagari vemudhorobha iri pamusoro penjodzi yavanogona kusangana nayo yemafashamu, zvikuru kune avo vagere mumatoro nedzimwe nzvimbo dzakaderera zvichitevera kunaya kuri kuita mvura yakawanda. Kanzuru…

Kubaiwa majekiseni kwofamba nemazvo

Tandayi Motsi  HURUMENDE yakaumba chikwata chenyanzvi chinosanganisira vanamuzvinafundo, bazi rezveutano nekurerwa kwevana nevanoona nezvetsvakurudzo (Research and Clinical Services) kuti vaongorore mashandiro ari kuita mushonga uri kubaiwa vanhu wekudzivirira kuti vasabatwe…

Vorwisa zvose HIV neCovid-19

Muchaneta Chimuka SANGANO reNational AIDS Council (NAC) nemusi weChishanu rakapa rubatsiro rwemidziyo yedziviriro yechirwere cheCovid-19 inosanganisira mamasiki 5 000 anoenderana nevanhu vasinganzwi vanoshandisa mutauro weSign Language anonzi pa”lip reading masks”.…

Maonero Edu: Regai kuvarairwa, Covid-19 ichiriko

HURUMENDE nemusi weMuvhuro yakanyevenutsa matanho ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 ayo ange aripo kwemwedzi miviri yadarika. Mutungamiriri wenyika, President Mnangagwa, vakazivisa nyika nezvekunyevenutswa kwematanho aya, rinova danho rakatambirwa nemaoko maviri neveruzhinji.…

ID yemupurisa yamuparira

Muchaneta Chimuka MUTYAIRI wekuita chikiribidi chekufamba makore manonwe achishandisa chitupa chebasa chemupurisa (police identity card) akaigochera pautsi apo akasungwa mushure mekuonekwa ainacho paakamiswa nemapurisa mumugwagwa unobva muHarare uchienda kuMasvingo. Bothwell…

Tambai zvakanaka, chikudo kwete

Vana vakatamba chikudo pamusha une vakuru vanotsiurwa kuti vatambe zvakanaka. Kutsiura vana kunoita kuti vasakuvadzane. Chikudo ndiwo mugariro wemhuri dzemapfeni. Makudo anogara achirwisana pamusana pezvekudya zvaanosangana nazvo mudondo imomo.  Asi…

×