Muchaneta Chimuka
KANZURU yeChitungwiza iri kuyambira vagari vemudhorobha iri pamusoro penjodzi yavanogona kusangana nayo yemafashamu, zvikuru kune avo vagere mumatoro nedzimwe nzvimbo dzakaderera zvichitevera kunaya kuri kuita mvura yakawanda.
Kanzuru iyi yakatumira gwaro pamasaisai eFacebook neWhatsApp ichizivisa vagari veko nezvenzvimbo idzo vanogona kumbonofanogara kana vachinge vawirwa nemafashamu.
Gwaro iri rakanyorwa nevakafanobata chigaro chemunyori mukuru wekanzuru, Mai Evangelista Machona vachiti: “Panguva iyo mvura iri kuramba ichinaya munyika, kune mikana yekuwirwa netsaona kuvanhu vari kugara munzvimbo dzakaderera, munofamba nemvura uye mumatoro. Tinozivisa veruzhinji kuti kana kuchinge kwaita mafashamu munzvimbo dzamunogara, musamirire kuudzwa zvekuita asi kuti ibvai pamunogara munofanogara panzvimbo dzinotevera: Unit L Hall, St Aidans Primary School neChamunika Primary School.”
Mai Machona vanozivisa zvekare vagari vedhorobha nhamba dzenhare dzekuchaya kana vachinge vaomerwa kuti vabatsirwe chimbi-chimbi.
“Kana pachinge paita tsaona, ridzai nhare dzemutauriri wekanzuru 0712 843 478, dzemapurisa eZRP Makoni 02421- 22008, Zesa Faults 02421-24921, vanoona nezvekudzimura moto (Council Fire Hotlines): 02421-2400/02/4221-24921 kuchizoti amburenzi 0779 622 900,” vanodaro.

Mutauriri wekukanzuru yeChitungwiza, VaLovemore Meya, vanoti, “Kupa vanhu pekufanogara kwenguva diki handiko kupedza dambudziko, asi kuti Hurumende yakavimbisa kuti ichabvisa vanhu vari kugara munzvimbo dzakadai semumatoro ichivaendesa kwakanaka kuitira kuti vasaramba vachisangana nematambudziko akadai gore negore.”
Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze reMeteorological Service Department rinoti mvura zhinji iri kutarisirwa kuramba ichinaya kunzvimbo dzakawanda dzenyika nekudaro veruzhinji vanofanira kungwarira tsaona dzemafashamu kana kurohwa nemheni.
Director weChitungwiza Residents Trust, Muzvare Alice Kuvheya, anoti kune mazana evanhu avo vari kurasikirwa nemidziyo yavo zvichitevera kuwanda kuri kuita mvura.
“Kugara mumatoro kune njodzi nekuti zvirwere zvemanyoka zvinonyuka nekuti pari zvino zvimbuzi zvizhinji zvingava zvemakomba (blair toilets) kana maseptic tanks zvakazara nekuda kwekuti hunyoro hwawandisa pasi. Tsvina yevanhu iri kuyerera ichipinda mudzimba nemumatsime ayo ari kushandiswa neveruzhinji,” anodaro Kuvheya.
Kwayedza yakamema nzvimbo yeChitungwiza, zvikuru mumatoro agere vanhu luUnit O Extension neZengeza 4 ndokuona kuti vazhinji vava kungoshingirira kugara mudzimba zvisinei nekuti vamwe vari kurara mumvura.
Dzimwe dzimba dzava kutsemuka nekuda kwehunyoro uye mvura iri kuyerera ichipinda mukati.




