MAONERO EDU: Upenyu pamberi, zvimwe mushure
SVONDO rapera Hurumende yakatora danho guru mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 pakati pevashandi vayo izvo zvakaona ichidzikisa huwandu hwevari kuuya kubasa kusvika pachikamu che15 percent.
‘Tinovhura zvikoro kana zvanaka’
HURUMENDE inoti zvikoro zvichazovhurwa bedzi kana mamiriro ezvinhu maringe nekupararira kwechirwere cheCovid-19 ave kutendera.
‘Tinovhura zvikoro kana zvanaka’
HURUMENDE inoti zvikoro zvichazovhurwa bedzi kana mamiriro ezvinhu maringe nekupararira kwechirwere cheCovid-19 ave kutendera.
Musagove nhumbi: Mambo
MAMBO Chundu vekuHurungwe, kuMashonaland West, vanoti vakadzika mutemo unorambidza vagari veko kungova nhumbi dzevanhu vanenge vafa senzira yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19.
Tsamba dzeCovid dzoita ‘kubikwa’
MATSAMBA emanyepo ekuti vanhu vakwanise kudarika pamapurisa munguva ino yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 sezvinodiwa nemutemo anonzi ari kudhindwa uye achitengeserwa vanhu nemari inotangira pa$20 nemamwe makambani anoita zvekudhinda kwaMutare.
Madhumeni akapihwa mamasiki 4 000
KAMBANI inoita nezvekurima, yeSyngenta yakapa rubatsiro rwemamasiki anoshandiswa kudzivirira chirwere cheCovid-19 kubazi reAgritex kuti azoshandiswa nemadhumeni anoshanda nevarimi, kunyanya mukutsigira chirongwa chePfumvudza.
(SPONSORED) Kugovewa kwemidziyo yewanano pakurambana
WANANO dzose dzakanyoreswa muZimbabwe, kureva kuti iri pasi pemutemo weMarriage Act (Chapter 5:11) neCustomary Marriages Act (Chapter 5:07) inopfudziswa kuburikidza nematare edzimhosva.
‘MWEYA’ HAUDI KUTI TIFUGE MAGUMBEZE
Kingstone Mapupu MAPOROFITA matatu echechi yeJohane Masowe weChishanu ari kugara munzvimbo yekutandarira yeAfrica Unit Square, iri pakati peguta reHarare — umo vanoswera nekurara vakafuga zvikweshe — vachiti “mweya” haudi kuti…
Tinokunda bedzi: Mutsvangwa
Conrad Mupesa GURUKOTA rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vari kurumbidza mapoka akasiyana ari kubatsira Hurumende kurwisa kupararira kweCovid-19. Vachitaura kuMashonaland West Provincial Covid-19 Task force nguva yadarika, Sen…
81 vafa neCovid-19
Tandayi Motsi ZIMBABWE kusvika pari zvino yafirwa nevanhu 81 nekuda kwechirwere cheCovid-19 kubva pachatanga kuonekwa munyika muno nemusi wa20 Kurume gore rino. Munhu wekutanga kufa nechirwere ichi ndiZororo Makamba uyo…










