Tasunga vanhu 139 000 – ZRP

VANHU vanosvika 139 270 vasungwa nemapurisa eZimbabwe Repulic Police (ZRP) munyika yose nemhosva dzekutyora mitemo ine chekuita nekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kubva munaKurume kusvika pari zvino.

Vemisika vatanga. . .voita sekusina Covid-19

VEMISIKA inotengesa zvinhu zvinosanganisira mbatya, miriwo nezvimwe vanonzi havazi kutevedzera zvinodiwa pakumisa kupararira kweCovid-19 zvekuti vave kuita mabasa avo sezvavaisiita kare chirwere ichi chisati chaveko.

‘Vanonditi ndiri bere’

MUDZIMAI muporofita wechechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku anogara paCold Comfort, kuTynwald, muguta reHarare, anoti ashaiswa rugare nevanhu vaanogara navo avo vanomupumha huroyi vachimufananidza nebere “rinodya vanhu”.

Amai nemwana muguva rimwe

VAGARI vemubhuku raShirichena, kwaNyamweda, kuMhondoro, svondo rapera vakafumoona mashura apo guva remudzimai ainge avigwa aine pamuviri rakafuma rakafukunurwa.

Vashandi veHurumende vonzi vagare kudzimba

HURUMENDE inoti chikamu chemakumi masere kubva muzana (85 percent) chevashandi vayo hachizi kuenda kubasa pari zvino uye yakatora danho iri senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19 pakati pevasevenzi vayo.

1 500 vapona chirwere cheCovid-19

VANHU 1 544 vapona kubva kuchirwere cheCovid-19 munyika muno asi vamwe 104 vafa kubvira pakatanga kuonekwa denda iri muna Kurume wegore rino kusvika pari zvino.

Vatsigiri vopemhera vatambi mari

VATSIGIRI venhabvu vezvikwata zvakasiyana vobatana mukubatsira vatambi vemutambo uyu kuburikidza nekuunganidza mari nechikafu zvekuti vawane raramo.

Pabasa hapadi hope

naWedzerai Nhemachena VANHU vazhinji vanofara kwazvo kuwana basa repamusoro kana kukwidziridzwa pabasa. Iyi ndiyowo tarisiro yemubereki wose kuti mwana wake ave mukuru pakambani kana mudunhu. Vamwe vanobva vaita mabiko makuru…

Covid yakanganisa karate

SANGANO reZimbabwe Karate Union rinoti kumiswa kwakaitwa mitambo yakasiyana nekuda kweCovid-19 kwave kukonzeresa kuti vamwe vechidiki varase hunhu sezvo vachiswera vachingodzengerera mumigwagwa.

Chibage chekugocha neSeed Co

MAKADII varimi kumativi ose enyika? Heunoyi mukana wokuita mari nechibage chekugocha.

×