Anonyima, haabike kana asina kunzi bika
ACHANDICHASHAMISWA nezvinoshamisa nekuti zvishamiso zvawanda. Izvozvi kune mumwe munhu achiri akagumbukira kunyimwa sadza pamuchato wakaitika makore matatu adarika. Mumwe achiri kufunga keke rakadyiwa nevamwe iye akanzi rapera.
Ndiri wema‘spiritual wives’
MURUME wemubhuku rekwaChoto, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa — uyo pari zvino ari kugara papurazi reRuwari, kuMarondera — anoti asvika pakufinhurwa nekudanana nevakadzi vaasingazive, avo vanongouya kwaari asina kuzvitarisira, voita zvavanoda naye vasati vatsakatika.
Chitunha chakadyiwa…. . . kukasara musoro bedzi
CHITUNHA chemwana chainge chichangobva mukuvigwa kwaChivero, kuMhondoro, chakafuma chakatorwa muguva, pamarinda ndokungosiiwa dehenya remusoro nezvidimbu zvenyama izvo zvainge zvakaraswa-raswa.
KANA WODA KUROORA… ‘Tambira Murehwa, Mutare’
KUBVIRA kare, zvagara zviriko kuti kana mukomana ave kuda kutora musikana wake kuti vagare semurume nemudzimai, mukomana anofanirwa kutanga abvisa pfuma yeroora.
‘Rusarura padzidzo bodo’
ZVIKORO zvinodzidzisa vana vasinganzwi pamwe nevakaremara mitezo svondo rapera zvakacherechedza zuva reInternational Week of the Deaf pamhemberero dzakaitwa muHarare paine kurudziro yekuti vana ava vanofanira kuwaniswa dzidzo yakaenzana neyeavo vane mitezo yakakwana.
Seed Co yodadisa kuMasvingo Show
KAMBANI huru pakuuchika nekutengesa mbeu dzemhando yepamusoro-soro, Seed Co, yakashura mare kuMasvingo Provincial Agricultural Show.
‘KuMasvingo vanoda pakuru’…Matanho anotevedzwa pakuroora
NYANZVI munyaya dzechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practioner’s Association (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanotsanangura maererano nematanho anotorwa apo mukuwasha anoenda kunobvisa roora kwatezvara.
NAC yorwisa HIV negomarara
ZVIRWERE zvine zviratidzo zviri kuramba zvichiva mutoro mukuru muZimbabwe sezvo zviri kukonzera ndufu dzevanhu vane chikamu che74 percent apo zvirwere zvisina zviratidzo zvichikonzera chikamu chendufu che21 percent.
Chirongwa choumba matarenda muvana
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, svondo rapera vakanyorerana chibvumirano chemushandirapamwe nesangano rezvemachechi rakabva kuSouth Korea, reInternational Youth Fellowship, nedonzvo rekusimudzira zvidzidzo zvinosanganisira zvekurima nezvekuimba.
Vana vakatsvira mumba
MHURI inogara mumusha weRetreat uri kuWaterfalls, muHarare, ine kusuwa kukuru zvichitevera kufa kwemwana wayo, mumwe ndokukuvara apo imba yavo yakabatira moto ukaparadza zvaivemo.










