Seed Co yodadisa kuMasvingo Show

Bright Musakanda
KAMBANI huru pakuuchika nekutengesa mbeu dzemhando yepamusoro-soro, Seed Co, yakashura mare kuMasvingo Provincial Agricultural Show.

Varimi nevemakambani anotsigira mune zvekurima vakagutsikana kuti Seed Co ndivahosi panyaya dzekuuchika mbeu pamwe chete nekupa ruzivo rwekurima kuvarimi.

Pashow yegore rino, Seed Co yakanga yakasima zvirimwa zvemumabindu zvinoti rape yemhando yeRampart, hanyanisi necabbage pastand yayo. Varimi vakadzidza zvakawanda chose panhau dzekurima mbeu dzemumabindu.

Mukokwa mukuru paShow yegore rino, Masvingo Resident Minister, VaEzra Chadzamira, vakakurudzira kambani yeSeed Co kuti irambe ichiuchika mbeu dzinoshingirira muzuva nokuti dunhu reMasvingo harinaye mvura yakawanda.

VaSimba Gotosa (Seed Co Eastern Region manager) vakakurudzirawo varimi kuti vatange vaongorora kuti mbeu yavanoda kutenga zvingani zvakanaka zvavanowana kubva kwairi, kwete kungotenga zita.

Vakaenderera mberi vachiti goho rakanaka rinobva mukusarudza mbeu yakanaka yakaita seSC513, SC529, SC403 kana SC301 kana takatarisana nedunhu reMasvingo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *