Ochemera mwana waakamborasa

VANHU vaiva mudare vakakahadzika apo mukadzi wekunzi akasiya mwana wake ane makore matatu okuberekwa ari oga pagedhi repamba paaigara ndokutiza kuenda kuSouth Africa akazoti anoda kugara nemwana uyu.

‘Tanyanya kudhurirwa nezvinhu’

VABEREKI nevana vechikoro vari kutsutsumwa nekukwira kwakaita mitengo yezvimwe zvinodiwa kuchikoro semari yemafizi, mayunifomu, chikafu zvose nemabhuku.

Vopona nematohwe baba vari kubasa

VANAKOMANA vaviri vanogara kwaGutu, kuMasvingo, vari kurarama upenyu hunorwadza zvichitevera kutizwa kwavanoti vakaitwa nababa vavo vachienda kunogara nemudzimai wavo kubasa kwavo kuChiredzi.

Goho ngarichengetedzwe zvakanaka — ZFU

SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti zvakakosha kuti vakohwe zvirimwa zvavo zvakasiyana nenzira dzinokurudzirwa uye kuti vavake matara nematura ekuzvichengetera kuitira kuti vasazorasikirwa negoho ravo.

Varimi vedonje vogadzirira mwaka wekutengesa

VARIMI vedonje vari kumativi mana enyika vogadzirira kuendesa chirimwa ichi kumusika uye parizvino vamwe vatove mushishi yekukohwa.

20 000 voshungurudzwa mudzimba nyika yose

KANZURU inoona nezvekurwiswa kwemhirizhonga munyika, yeAnti-Domestic Violence Council of Zimbabwe (ADVCZ), iri kukurudzira veruzhinji kuti vabatane mukumhan’arwa kwenyaya idzi.

Manhuchu ane dovi kunaka!

MANHUCHU ane dovi kudya kunovaka muviri zvikuru.

Ndedzipi kodzero dzangu muwanano?

BUMBIRO remutemo wenyika ndiwo mutemo mukuru muZimbabwe.

Kunzwisisa nezvemishonga yePEP

KUTI mishonga inodzivirira kutapurirwa kweutachiona hweHIV inge ichishanda, inofanira kuwaniswa kumunhu anenge ari panyatwa yekutapurirwa HIV mukati memaawa 72.

Midziyo yekusevenzesa mumabasa

CHIKAMU chadarika takatarisa midziyo iyo yatakati inorerutsa basa. Muchikamu chino tichatarisa midziyo kana kuti zvombo zvatingashandisa kuti mabasa aendeke.