‘Ndinoita kuti uzvionere muroyi’
PROPHET Miracle Paul vechechi yeNew Revelations Ministries vanoti vane tende iyo inonzi Abraham’s Tent ine simba rekuratidza munhu muroyi anenge achimushandisira mushonga kuti asabudirire muupenyu hwake.
‘Ndakamboda kuzviuraya’
MUDZIMAI wekuGlen Norah, muHarare, anoti murume wake anomudadira neshamwarikadzi yake achiti vana vose vaakabereka naye havasi vake zvekuti akatombosvika pakuda kuzviuraya nekuda kwekushungurudzwa kwaari kuitwa.
Ndakasemwa akasemwa
TINOPEDZISA ongororo yekupindirana kwemazita nezviito kana unhu hwevatambi.
Wakatsamwira kunyimwa keke repamuchato?
MAZUVA ano ndiri kurwa nenyama nekuti nyama ine nyaya. Nyama inoda zvinhu zvakawanda asi zvinhu izvozvo zvisingabatsire mweya.
Oshandisa chimbuzi ‘door’ rakashama
TETE vekunzi havavhare musiwo wechimbuzi kana vapinda vachida kuzvibatsira vakazoendesa muzukuru wavo nemudzimai wake kudare vachiti vari kuvashaisa rugare.
ZVICHANGOBVA KUITIKA: Motokari yekuita tsaona yotaura . . . nezwi gobvu, rechirume
MOTOKARI yekuendeswa parimwe garaji riri muHarare kuti inogadzirwa mushure mekunge yaparara mutsaona yava kutyiwa nevashandi vepo sezvo ichinzi iri kutaura nezwi rakakora seremunhurume ichiti vaisiye.
Mimba nehanzvadzi tugu . . .Handirambane Nasisi: bhudhi
Muchaneta Chimuka MWANAKOMANA nemwanasikana vagere nevabereki vavo mumba mumwe chete kwaChikwaka, kuGoromonzi, vari kuita makunakuna ayo asiya sisi vava nemimba yabhudhi iyo yatova nemwedzi mitanhatu uye vaviri ava vari kubheja…
Zvakasunga kuDeMbare. . . makore 5 ichitatarika
Abel Ndooka DYNAMOS FC svondo radarika yakagadza Tonderayi Ndiraya pachigaro chinopisa uyo ave murairidzi wechisere kubva Kalisto Pasuwa zvaabva kuchikwata ichi mugore ra2014 uye kusvika parizvino DeMbare iri kungotatarika mumitambo…
‘@38 handinzwe kuda vakadzi’
Kingstone Mapupu MURUME tsvimborume wekuEpworth, muHarare — asi kumusha ichibva kwaNyamangara, kwaZvimba — anoti haanzwe zvakanaka kana akaona kana kusvikirwa nemunhukadzi pedyo naye sezvo achibva “afinhuka”. Zvisinei nekuudzwa neKwayedza kuti…
Vodyiwa vari vapenyu. . . vanongodamburwa minwe
Kingstone Mapupu MUMWE sabhuku wekwaMambo Chipuriro, kuGuruve, akangoerekana asisina minwe yake miviri yeruoko rwekuruboshwe apo aiva pamusha pake. Sabhuku Makunde Zhakata, VaElias Zhakata (79), vanoti zvakaitika kwavari zvinoshamisa zvikuru uye vane…






