Murume pfacha mukadzi aine chikomba mudondo
MUDZIMAI ange akaroorwa mubhuku raChitsa, kwaBushu, kuShamva, anonzi akazviuraya nekunwa muchetura nekuda kwenyadzi mushure mekuwanikidzwa nemurume wake ari musango achidya nyika rutivi nechikomba.
Vovakirwa chikoro chitsva
VAGARI vekupurazi rakagariswa vanhu patsva reHarveydale riri kuRuwa, kuGoromonzi, vanoti vari kufara zvichitevera kuvakwa kwechikoro chitsva chesekondari neHurumende sezvo vana veko vachinzi vanga vachitambura apo vanofamba nzendo refu kuenda nekudzoka kuchikoro.
Runga mutauro netsumo
MUCHIKAMU chakapera ndakasiya tsumo shanu idzo ndaida kuti vana vagotsvaga zvadzinoreva.
Kuenzaniswa kwekodzero muwanano
BUMBIRO remutemo wenyika rinoenzanisa kodzero dzevanhukadzi nevanhurume mumagariro emunharaunda pamwe nemuwanano.
Chitunha chadyiwa. . . mhuno, muromo nemaziso
Kingstone Mapupu KWAMAMBO Chihota, kuMarondera, kunonzi kwakaitika manenji apo chitunha chemumwe mudzimai chiri kunzi chakazovigwa chisisina dzimwe nhengo dzemuviri mushure mekunge chadyiwa maziso, muromo nemhuno nezvinhu zvisina kuonekwa. Mambo Chihota…
Akafa achitema muti unoyera
Kingstone Mapupu MURUME wekushora nekuzvidza tsika dzechivanhu kuChiweshe – uyo akatema hunde yemuti unonzi waiyera – ari kunzi akangopunzika ndokufa pakarepo panguva imwe cheteyo yakadonha muti waaitema uyu. Mashura aya anonzi…
Mbanje yomutsa mweya yevakafa -‘Zviyo zvinoshanda nekukasika’ -‘Vamwe vanoitira weti paguva’ -‘Vafi voroiwa kudarika vapenyu’
Kingstone Mapupu POSE panofa munhu, hapashaikwe zvinotaurwa. Parufu vamwe vanoimba “Ndimi makauraya”, vamwewo vachitaura: “Vochifaraka, ndizvo zvavaida”, “Varoyi havagute”, “Maiti anopona nepi?”, “Haana kana kurwara, kuroyiwa bedzi uku”, “Aenda ari…




