HIV: Vanhu musavharwe

ZIMBABWE imwe yenyika dzemuAfrica nepasi rose dziri pamusoro panyaya yekurwisa kupararira kweutachiona hweHIV neAIDS.

Kuti uve mwene wemudziyo

Tariro Muzenda MIDZIYO yakadai sedzimba nemasitendi edzimba inoshandiswa zvikuru sezvinhu zvekuti munhu ange aine budiriro munyaya dzeupfumi.

Tatarisa caf: Mapeza

Abel Ndooka MURAIRIDZI weFC Platinum, Norman Mapeza, anoti pachine basa guru kuti chikwata chake chibudirire kukunda mumutambo weCAF Champions League sezvo izvi zvichida makore akawanda ekutamba nhabvu yepamusoro.

Grade7: Mazita ekutuka nekutsura

Ticha Danga BVUNZO zvarakadai kunyorwa, hazvirevi kuti kudzidza kwapera. Tinotofanirwa kuramba tichiverenga kuti tiwedzere ruzivo.

Madzimai 66000 akabvisa mimba

Muchaneta Chimuka MIMBA dzinodarika 66 000 dzinonzi dzakabviswa zvisiri pamutemo nemadzimai nevasikana munyika yose mugore ra2016.

Mamonya aAndy Muridzo akatyora munhu ruwoko

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kuferefeta nyaya yemurume wekwaChivero, kuMhondoro, uyo anonzi akarohwa ndokusara atyorwa ruwoko nechigunwe apo akarwiswa nenhengo dzechikwata chemuimbi Andy Muridzo apo vaiva parufu.

‘Koshesai ruzivo rwazvino’

Muchaneta Chimuka GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti zvikoro zvinofanirwa kukoshesa ruzivo rwechizvino-zvino kuitira kuti vana vafambirane nenguva.

Shuga yomutsa chimoto

Lizzy Mushoriwa BONGOZOZO rakamuka pakati pemudzimai wekuDomboshava nemurume wake pamusoro peshuga rakazopedzisira rasvika kumatare edzimhosva.

‘Uyu akadyiswa, izungairwa, fuza’

Kingstone Mapupu NYAYA yemurume wekuMbare, muHarare – wekunyeperwa nemudzimai wake kwechipo chegore rose kuti mwana wavo mucheche mukomana asi iye ari musikana – yomutsa mitauro pakati peveruzhinji apo vamwe vanoti…

Masaga 13 azere nyama musango

Kingstone Mapupu MBAVHA nhatu idzo dzakaba mombe ndokudziuraya, nyama yacho ndokupakira mumasaga 13 ema50kgs kwaChivero, kuMhondoro, dzakazobatikidzwa nevanhu vemumusha apo motokari yavo yakaponja vhiri zvikaita kuti mumwe chete wavo abatwe,…

×