Dhuma-dhuma nemhondi
‘Ndakachekeresa vanhu 3’, ‘Mukoma, girlfriend yangu’ Kingstone Mapupu NYAYA yemurume wechidiki akaponda vanhu vatatu kuChivhu achibvisa nhengo pazvitunha zvavo idzo anonzi aitengesera vemabhizinesi inonzi yakwidza makata zvichitevera kuripa kunonzi kunofanirwa kuitwa…
Akagara gava matunduru
Kingstone Mapupu MUDZIMAI wekuBocha, kwaMutare, anoti akarwisana negava rikamuruma zvekuda kumuuraya kwenguva inokwana awa rose apo akazopona nekubatsirwa nemurume nemwana wake.
Harurwa: Chema nekunakirwa
HARURWA — twupukanana twunorarama nemashizha emiti sezvinongoita hwiza kana kuti mhashu — kudya kunovaka muviri sezvo kuine maprotein uye vamwe vanoti dzinorapa zvirwere zvakaita seBp, shuga kana mhezi.
Mwana akatsakatika nemari
Kingstone Mapupu MHURI inogara mumusha weNketa, kuBulawayo, iri kushushikana nekuda kwemwanakomana wavo uyo wavasiri kuona kwemwedzi mishanu yakadarika achinzi akatiza pamba mushure mekunge aba mari yaaifanirwa kubhadharirwa chikoro.
Varume vanodei chaizvo?
Muchaneta Chimuka MAZUVA ano munzvimbo dzekutandarira semuma”night club” mumaguta nemadhorobha, kune vanhu vanoendako — kunyanya vechirume — vachida kunoona vanhukadzi vanenge vachitamba vari musvo.
Vorwira pfuma yenhaka
Muchaneta Chimuka NYAYA yekurwira pfuma yenhaka yakazoperera kudare reChitungwiza Magistrates Courts uko imwe shirikadzi yaipomerwa kuba nekutengesa mombe yainzi yainge yatengwa nevemhuri yemurume wayo yakawanikwa isina mhosva.
‘Wedu akabviswa ziso, rurimi nematumbu’
Kingstone Mapupu MAI Annah Mutondoro (65) – avo vanova amai vaClarah Mupandawana – vanoti vakange vasina ruzivo rwekuti mutumbi wemwana wavo wakabviswa nhengo dzinosanganisira ziso, rurimi nematumbu sezvo wakawanikwa nemapurisa…
Grade 7: Zvakanangana nerufu
Ticha danga NZVIMBO nenzvimbo dzinogona kuita zvakasiyana kana dziri nyaya dzerufu maererano netsika dzavanenge vachitevedzera. Tinoda kugara tajekesa kuti munhu akashaya, kana asati avigwa anenge achinzi chitunha kana mutumbi asi…
Zvinogona kukubatsira
Munyaradzi Gunduza SVONDO rino tinopedzisa nekukupai zvinoreva mazita emamwe magamba nemibvunzo inogona kukubatsirai kuita gadziriro dzenyu dzebvunzo takanangana nepepa ramunonyora reuvaranomwe.
Apa wapinda, uye une zvinhu zvako!
naIgnatius Mabasa NDIANI akakudzidzisa kuti chinhu chakanaka chakanaka? Chii chatinoona mumunhu akanaka? Kutsvuka here? Kuvakwa kwake here panyama?







