‘Ndakatumirwa gudo’

Kingstone Mapupu — MURUME wekuSt Marys, kuChitungwiza, anoti akadzidza chidzidzo chekuti mudzimai wemuridzi haabatwe apo akatumirwa gudo rikanosvika pamba pake richitevera mukadzi wemunhu waakange ave kugara naye sewake.

Zvemadhirama zviri muropa: Bhutusi

Abel Ndooka — SHASHA yekubika pamwe nekuekita mitambo yemadhirama anosetsa zvikuru – Admire ‘Bhutusi’ Kuzhangaira – anoti vabereki vanofanirwa kutsigira vana vavo pane zvavanenge vasarudza kuita muhupenyu kwete kuvatarisira pasi…

Bhinzi: Kudya kwemhuri

BHINZI kudya kune utano uye dziri nyore kubika sezvo dzisina zvakawanda zvinodiwa pakudzibika. Svondo rino Alice Mutana wekuGlen View 3, muHarare, anotsanangura mabikirwo ebhinzi zvemhando yepamusoro.

Caps yatanga hondo

Abel Ndooka — SHASHA dzeCastle Larger Premier League – CAPS UNITED – dzakaenda kumazivandadzoka kuEgypt uko dzichasangana neZamalek Sporting Club mumutambo wekutanga weCAF Champions’ League group stages uyo uchatambwa neChishanu.

Raiva besanwa vana vodzokera kuchikoro

Muchaneta Chimuka — VANA vechikoro vanoti vanofara zvikuru nekudzokera kunodzidza temu yechipiri uye vachashanda nesimba kuti vagobudirira. Nemusi weMuvhuro neChipiri svondo rino, Kwayedza yakaita hurukuro nevana vekumabhodhingi akasiyana muguta reHarare

Pundutso kubva mukurima

Buhle Nkomo — “MURUME wangu akarasikirwa nebasa rake apo aishanda semubatsiri pane imwe kambani yakazovhara kuBulawayo,” vanodaro Mai Taipa Ngoshi (45) vanove murimi kupurazi reMaunga kuKaroi.

‘Tinojoborwa nemazizi’

— ‘Tichiitirwa madororo’ — ‘Mazikatsi achichema’ Kingstone Mapupu — MHURI igere mumusha weWhitecliff, pedyo neKuwadzana Extension muHarare, inoti yaoneswa chitsvuku nekujoborwa nemazizi pamwe nekuitirwa madororo.

‘Usarambe, mwana ndewako Mabharani’

Lizzy Mushoriwa — SAMUSHA wekuendeswa kudare neaimbove mudzimai wake achida kuti abhadhare $100 pamwedzi yekuchengeta mwana wake akatsika madziro achiti haakwanise kubvisa mari iyi sezvo aine fungidziro yekuti mwana uyu…

Paramende yorumbidza Seed Co

Muchaneta Chimuka — NHENGO dzekomiti yedare reParamende inoona nezvekurima uye kusimudzirwa kwemadiridziro svondo rapera dzakarumbidza basa guru rekuuchika mbeu dzakasiyana riri kuitwa pamuzinda weRattray Arnold Research Station kuShamva

Opikira chikwereti chemendenenzi

Muchaneta Chimuka — MUSHANDI wekanzuru yeChitungwiza akadhonzerwa kudare redzimhosva reko achipomerwa kusabhadhara mari yemendenenzi inosvika $300 yemwedzi gumi yadarika.

×