Vakadzi 20 voitwa ‘party’ nezvidhoma
‘. . . hazvidi kuti tiroorwe’ ‘. . . zvinotova neshanje’ Kingstone Mapupu — VANHUKADZI vemhuri imwe chete vanodarika 20 vekuBuhera South vanonzi vari kuoneswa pfumvu nezvinhu zvinonzi zvidhoma, izvo…
‘Zvidhoma zvangu zvakadzoka’
Blessings Chidakwa kuGWERU — VAGARI vekuMkoba 20, kuGweru vakasara vasina mate mukanwa nguva pfupi yadarika mushure mekunge tsikamutanda ane mukurumbira muguta iri akazivisa veruzhiji kuti zvidhoma kana kuti zvikwambo zvake…
Vana 22 000 vobatsirwa
Daphne Machiri — SANGANO rinosimudzira zvidzidzo zvezvigadzirwa zvesainzi muzvikoro, reZimbabwe Science Fair rinoti rakasarudza vana vanosvika 22 000 kubva muzvikoro zviri kumatunhu akasiyana enyika avo riri kusimudzira matarenda avo.
Coutinho oenda kuBarcelona
MUTAMBI weLiverpool – Philippe Coutinho – akabvuma kuenda kuBarcelona mwaka unotevera.
Tyson oraira Joshua
MIKE Tyson ane mashoko ekuraira shasha itsva yetsiva ine bhande reheavyweight – Anthony Joshua – kuti azvibate.
Uku muporofita, uku in’anga
— ‘Chiporofita nehun’anga zvakafanana’ — Kwese kunoshandiswa hari, tsvimbo’ Kingstone Mapupu —- MUKURU weimwe chechi yechipositori iri kuChitungwiza anoita zvinogara zvakadaro — uku anonamatira vanhu, uku anoshandisa mishonga yechivanhu.
‘Maspiritual husbands anodariso’
Munyori weKwayedza — PROPHET Tapiwa Freddy vechechi yeGoodness and Mercy Ministries kuGlen View, muHarare, vanoti dambudziko rakatarisana nevanhukadzi vasingaroorwe kana kusemwa nevarume ava riri kukonzerwa nezvidhoma nemweya yakaipa. “Dambudziko rakadai…
Yadah yotevera Blue Rangers
Abel Ndooka — CHIKWATA chenhabvu cheYadah Stars ndicho chaita chekutanga mumakore mashanu kunwiswa kanomwe mumutambo mumwe chete zvichitevera kurikitwa kwachakaitwa 7-2 neBantu Rovers svondo rapera.
‘Ngatidye tose mari yemaroja’
Lizzy Mushoriwa — CHIREVO chekuti pfuma yenhaka inoparadza hukama chava kuzadzikiswa nenyaya yehanzvadzikomana nehanzvadzisikana vekuHillside, muHarare, avo vasvitsana kumatare edzimhosva vachirwira mari yemba yevabereki vavo inobviswa nemaroja.
Ndakafuma ndakagerwa
MUBVUNZO: Sekuru, ndakafuma ndakagerwa vhudzi mubhurugwa. Kubva ipapo harisi kumera uye kubva paitika izvi, basa rangu harisi kufamba zvachose. Kana ndikaita mari, inongotatazika kuparara isina chayashanda. Ndodii sekuru ndashaya zano?








