Kingstone Mapupu
CHEMBERE yemakore 106 inobva mumusha waSabhuku Mhindurwa, kwaShopo, kuChiweshe, mudunhu reMashonaland Central, inoti kudya kunovaka muviri kwechivanhu ndiwo musimboti wekurarama kwemakore akawanda kwemunhu.
Mbuya Rena Kawodza vanoti vakaona hondo dzinosanganisira yaHitira, yeChindunduma, yeMaGerimani, yeChimurenga Chokutanga necheChipiri. Vanotizve vakasangana nezvirwere zvakatsaukana mukurarama kwavo.
Vachitaurwa navo neKwayedza panhare, vanoti vakaberekwa muimba yevana vasere, ivo vari dangwe. Yaiva imba ine vasikana vana nevakomana vana.
“Mukukura kwedu, sevana, taisangana nezvinhu zvakasiyana-siyana kareko, kusanganisira hondo dzandinoreva uye zvirwere. Kwakaita chirwere chemhezi, maperembudzi, furuwenza kana kuti dzihwa, mhetamakumbo nezvimwe zvakawanda tikararama nokuda kwekusimba kwemiviri yedu kunyangwe zvazvo kwaisava nemishonga inokwanirana yairapa zvirwere izvi,” vanodaro Mbuya Kawodza.
Vanoti hanzvadzi dzavo mbiri dzakashaika, vanin’ina vavo vaviri vakafa zvakare nokuda kwezvirwere zvakasiyana-siyana.
“Munin’ina wangu watakabva kuviga aiva nemakore 87. Takamuradzika svondo rapera kuChiweshe. Hongu, kufa murairo waMwari, asi munhu anofanirwa kuzvichengetedza nekusaita zvinhu zvinorwadzisa nyama yake,” vanodaro Mbuya Kawodza.
Vakataura nyaya yekudya kwechinyakare kusina kusanganiswa nezvimwe uye kuchengetedza nyama.
“Kurarama handi kungwara. Ini ndinodya miriwo yemifushwa yemunyemba, mupudzi, munyevhe, runi, mujakwara, mufarinya, mabumbe, rupiza. Handidi kudya kune mafuta akawanda. Nyama chaiyo handidyi yakawanda uye ndave kuda yakapfava. Maheu ndinoanwa chaizvo. Ndinofarira zvakare kudya kwechivanhu kwakasiyana-siyana,” vanodaro Mbuya Kawodza.
Mbuya ava vane vazukuru 105 pamwe chete, kusanganisira zvizukurumvi. Ivo pamwe chete vane vana vapfumbamwe, vose vane mhuri dzavo uye vatovewo nevazukuru vavo.
Mbuya Kawodza vanoti vaona vazukuru vavo vechitatu.
“Imwe nyaya huru, ungava mudzimai kana munhurume, ndeyokuti usashandise muviri wako zvisizvo; usagovere bonde munhu wose wose. Zvinosakadza muviri wako nekuunza mhepo dzakaipa pauri,” vanodaro Mbuya Kawodza.
Vanoti kunze kwekusakadzwa muviri nechipfambi, kune mweya inosara pamunhu kubva kune wose waunoita bonde naye.
“Ukaita bonde nevanhu makumi maviri vakasiyana, ziva kuti une mweya makumi maviri yevanhu ivavo yakagara pauri. Nokudaro, ngwarirai utano hwenyu. Kune utano hwenyama, kwoita utano hwemweya; zvose zvinobata pamunhu,” vanodaro Mbuya Kawodza.
Vakataurawo nyaya yekunwa doro zvakadarikidza, zvikuru tudoro twave kunwiwa mazuva ano, vachiti izvi zvakaipa. “Doro rinosakadza miviri yevanhu zvekusara wachembera; kuita kadhara; harahwa chaiyo nechembere kudarika zera rako chairo,” vanodaro Mbuya Kawodza.