Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka

KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena.

Izvi zviri kuita kuti vamwe vapedzisire voitira tsvina neweti mumikoto, izvo zvinoita kuti pave nenjodzi yekunyuka kwezvirwere zvemanyoka.

Vachitaura nemunyori uno parutivi paNational Clean-Up Campaign Day nguva pfupi yadarika muHarare, munyori mukuru mubazi rezvenharaunda, mamiriro okunze nekuchengetedzwa kwemhuka, VaSimon Masanga, vanoti dambudziko remarara riri kuratidza kuderera zvichitevera dzidziso iri kuramba ichikushwa kuruzhinji maringe nekuchengetedzwa kwenharaunda asi vanochema-chema nekuitirwa kwetsvina neweti pose-pose muguta.

“Tiri kutoshaya marara ekutsvaira nokuti vanhu vanoziva kuti imhosva kurasira marara pose-p. Chinotovanetsa mabhini ekuisa marara acho nokuti mashoma. Dambudziko guru nderekuitirwa kwetsvina kuseri kwemidhuri uye weti muzvigubhu nokuda kwokuti zvimbuzi zvekanzuru zvishoma uye zvacho zvatinoti ndezveruzhinji tiri kuona zviri kubhadhariswa, saka vanhu kana vasina mari vanopedzisira vangozvibatsira pose-pose, toita dambudziko rezvirwere zvemanyoka zvakaita secholera, typhoid nedysentery,” vanodaro.

VaMasanga vanoti vane hurongwa hwekuita hurukuro nekanzuru yeHarare maringe nenhau yekuvandudzwa kwezvimbuzi zveruzhinji uye kuti zvinge zvichiwanikwa zvakavhurwa nguva dzose, pasina kubvisisa vanhu miripo.

“Tichataura nekanzuru kuti tinzwe hurongwa hwayo panhau yekuwanisa voruzhinji zvimbuzi zvepachena uye zvakaringana nokuti, sezvamuri kuona, zvigubhu zvakaturikwa pamusoro pemashedhi emarengi zvizere neweti. Pamusoro pezvo, tsvina yevanhu chaiyo iri kuonekwa pose-pose muguta, kusanganisira panzvimbo dzinotengeswa chikafu. Hazvina chimiro chakanaka uye hazvina utano zvachose. Mabhini ngaave panzvimbo dzose nokuti vanhu vanogona kumboedza kutakura marara avo vachitsvaka mabhini asi kana vakafamba nzendo ndefu vasina kuwana mabhini vanoarasira pose-pose,” vanodaro.

Kubva kuongororo yakaitwa nemunyori uno pazvimbuzi zvakakomberedza guta reHarare, zvakaonekwa kuti vanhu vari kuswera vari mumitsetse mirefu yezvimbuzi, vachiedza kuzvibatsira. Vamwe vanogumisira vabvisiswa miripo yeUS50c kuti vawane kuzvibatsira asi zvimbuzi izvi zvichifanirwa kunge zviri zvepachena.

“Tiri kutobhadhara mari kuti tipinde muzvimbuzi. Kana pasina mari unogona kuona muchembere (mushandi) wacho wekanzuru atokiya zvake, otanga kuti zvimbuzi hazvina mvura. Muchembere uyu ane matissue ake aanotengesa zvakare, saka wese anenge abhadhara US50c anodimburirwa kadiki, opihwa mvumo yekuzvibatsira. Senge isu vanhukadzi, tinotobhadhara nokuti hatikwanisi kuitira pachena sezvinoita varume,” anodaro mumwe mudzimai akati anonzi Mai Mlambo, uyo ane musika pachiteshi chemabhazi paCharge Office.

Vanoti pazuva vanoshandisa US$2 kuti vapinde muchimbuzi sezvo vachiswera muguta zuva rose nokuda kwebasa ravo rekutengesa.

VaJoseph Chandipwisa, vekuWaterfalls, vanoti zvimbuzi zvemuguta reHarare zvishoma zvokuti rinotova dambudziko kuvanhu vanotambudzwa nechirwere cheshuga.

“Pafungei kuti mazuva ano vanhu vane zvirwere zvakaita seshuga, BP vari kuwanda uye vanoramba vachinzwa kuda kurasa mvura apo neapo. Saka unobvisa maUS50c mangani pazuva kana ukaswera muguta reHarare? Tinoona vanhu vakawanda vachienda kunjanji yeNational

Railways of Zimbabwe, vachinozvibatsira ikoko. Asi dambudziko nderokuti hakuchina kana pokutsika nokuda kwetsvina. Zvinorwadza zvikuru kuti guta riri kusvibiswa zuva nezuva pane kuti rive chidadiso,” vanodaro.

Mutungamiri wenyika, President Mnangagwa, vakatara kuti musi weChishanu wevhiki rokutanga remwedzi woga-woga unge uchicherechedzwa sezuva guru rekuchenesa nharaunda.

Zvakaonekwaa kuti kuva nenharaunda yakanaka uye yakachena kwakakosha zvikuru mukudzivirira zvirwere zvemanyoka, mukukwezva vashanyi uye zvinopa chiremerera kungogara kana kushandira munzvimbo yakachena.

Bazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda, kusanduka kwemamiriro okunze nekuchengetwa kwemhuka rakadzika mitemo yakawanda iri maringe nekurwisa dambudziko rekusvibiswa kwenharaunda, kungava nemarara emudzimba neemumaindasitiri kana nesuweji, uye iyi imhosva huru.

Zvakadaro, mukushi wemashoko kukanzuru yeHarare, VaStanley Gama, nguva yadarika vakati kanzuru yavo ichaisa mwenje muzvimbuzi zvemuguta iri kuitira kuti voruzhinji vakwanise kuzvibatsira kunyangwe usiku.

Vanoti zvakare vashandi vekanzuru vanobhadharisa zvimbuzi zvinofanirwa kupindwa pachena nevoruzhinji vanenge vachitopara mhosva, nokudaro vanofanirwa kumhan’arirwa kumahofisi avo.

VaGama vanoti kanzuru yavo ine hurongwa hwekuvaka zvimwe zvimbuzi zvinopindwa pachena sezvo zviripo pari zvino zviri zvishoma.

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×