KWAYEDZA

Dare redzimhosva roraira kanzuru yeHarare kugadzirisa dambudziko remarara, suweji

Muchaneta Chimuka

ENVIRONMENTAL Management Agency (EMA) yagamuchira nemufaro mutongo wakapihwa neHigh Court, ichiraira Harare City Council kuti izadzise chikumbiro chesangano iri kuti kanzuru ifambise zvakanaka nhau yekuraswa kwemarara, kusanganisira suweji, iyo iri kuwanikwa ichiyerera pose pose mune dzimwe nzvimbo.

Basa iri rikasafambiswa nemazvo, imwe yesuweji iyi inogumisira yave kupinda munzizi nemadhamu anopa voruzhinji mvura yekunwa.

Mutongo uyu, uyo wakapiwa musi wa2 Gumiguru, unotevera kuzvuzvurudzwa kwakaitwa kanzuru neEMA kudare redzimhosva, munyaya ine nhamba inoti HCH2610/25.

Kanzuru yakarairwa kuti itevedze matanho ekuchengetedza nharaunda, zvichisanganisira kuziva nzvimbo kwadzo dzekurasira marara uye kupedza dambudziko resuweji.

Kanzuru yakayambirwa kuti isarasire suweji yakaiswa mushonga kana isina munharaunda kana munzvimbo dzine mvura nokuti kuita uku kunenge kuri kutyora Section 57 yeEnvironmental Management Act nemimwe mitemo inodyidzana neizvi.

Pamusoro pezvo, kanzuru yakanzi igadzire uye kusimudzira zvirongwa zvesuweji nemizinda inogamuchira tsvina iyi kuitira kuti itange yacheneswa nemazvo isati yarasirwa munharaunda nenzvimbo dzinochengetedza mvura.

EMA inoti yakazogumisira yave kupotera kumatare edzimhosva mushure mokunge yatora matanho akawanda ekuedza kunzwanana neHarare City Council asi zvakakona n’anga murapwa achida.

Kumashure, kanzuru yakambopihwa matiketi akawanda neEMA mushure mekutyora mitemo ine chokuita nekuchengetedzwa kwenharaunda.

“Takambopa kanzuru yeHarare matiketi akawanda ari maringe nekuchengetedzwa kwenharaunda asi hapana matanho avakatora. Izvi zvakaita kuti tione kuti High Court yapindira. Nokudaro, kukundikana kwavo kutevedza zvinodiwa kutyora mutemo wedare,” inodaro EMA mugwaro rayakaburitsa.

EMA inoti mutongo uyu unosimbaradza kugona kwayo kuona kuti Harare yatevedza nzira dzakatarwa dzekugadzirisa nhau yemarara nesuweji.

Gwaro iri rinoti kusachengetedzwa kwenharaunda nekanzuru yeHarare kwakaona zvimwe zvisikwa zvakaita sehove zvichifa mumadhamu.

EMA inoti dzimwe nzizi muHarare hadzichazara nemvura nokuda kwokuti dzakasvibiswa nezvinhu zvinobva munharaunda dzevoruzhinji uye mimwe mishonga inorasirwa pose pose.

Zvakadaro, vemakanzuru vanokurudzirwa kuti vave nehomwe yakamirira kugadzirisa dambudziko remarara nesuweji nechimbichimbi, zvikuru sei
mukusimudzira nyaya dzezvivakwa.