Lovemore Kadzura
MUMWE mutyairi wegonyeti anonzi akapinza munyika doro nechikafu zvinokosha US$12 000 kubva kuMozambique akazviviga pakati pemasaga efetiraiza yemhando yeAmmonium Nitrate (AN) iyo yaainge akatakura zvakaita kuti asungwe.
Wonder Chitsonga (47), uyo anoshanda kukambani yePioneer Transport, anonzi akapfuura nepaForbes Border Post uye ZIMRA GMS asina kuzivisa vashandi vaivepo maringe nezvinhu zvaainge akatakura.
Akazobatwa nemapurisa emuMutare Central Business District mushure mekunge mapurisa anyeverwa.
Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira kusungwa kwemurume uyu.
Vanoti nomusi wa12 Nyamavhuvhu, ZRP Support Unit yakanyeverwa kuti pane mutyairi werori akanga akatakura doro mukati memasaga efetiraiza yemhando yeAmmonium Nitrate kuBeira, kuMozambique uye doro nechikafu izvi zvaipinzwa muZimbabwe.
“Nomusi wa16 Nyamavhuvhu 2026 munguva dzemasikati, rori iyi rakayambuka Forbes Border Post uye mushure mekunge mutyairi uyu afambisa magwaro ekutanga, mapurisa aive pabhodha akatevera rori iri apo rakange rave kuenda kuZIMRA GMS kwaMutare.
“Mapurisa aya abata rori iri mumugwagwa waPark Road richinanga kuMutare Central Business District nguva pfupi yadarika mushure mekunge rabva paGMS ndokutaurira mutyairi waro kuti amire.
“Mutyairi uyu achangomira, chikwata ichi chakabvunzurudza Chitsonga akabvuma kuti akanga apinza zvinwiwa izvo zvakange zvakavigwa pakati pemasaga efetiraiza yeAmmonium Nitrate iyo yakanga yaziviswa kuti yaienda kuZambia,” vanodaro.
Rori iri rakazotyairwa richidzokera kumuzinda weZIMRA GMS uko rakanoongororwa.
Zvinhu zvakawanikwa zviri murori iri, zvinosanganisira makesi mazana maviri ezvinwiwa zveCoca-cola, mabhokisi gumi emabhodhoro eJameson whisky, mabhokisi makumi manomwe nemana eCorona cider, mabhokisi 112 eBrutal Fruit cider, mabhokisi maviri eLimpo unova mushonga wekurwisa umhutu nenhunzi uye mabhokisi mana emupunga wemhando yeBasmati.
Asst Insp Chinyoka vanoti rori iyi pamwe nezvose zvakawanikwa zviri mamiri zvakatorwa nemapusira uye zvakachengetwa paZIMRA GMS.




