Gororo rekumwaya munhu mhiripiri kumeso muchimbuzi rofondoka pasina mubhadharo

Muchaneta Chimuka

GORORO rakapindira mumwe mudzimai muchimbuzi umo akanga ari mushishi kuzvibatsira kwava kumumwaya mhiripiri yakakuyiwa mumaziso ndokumutorera bhegi raive neUS$1 287 kwaMurewa rakapihwa chirango chekufondoka kwemaawa 245 pamhosva iyi.

Ruvimbo Mthetwa (31) wekuDomboramwari Business Centre kwaMambo Mangwende, akamiswa mudare reMurewa Magistrates Court pamberi pemutongi Gamuchirai Gore akabatwa nemhosva yekumwaya munhu mhiripiri mumaziso (Assault) bedzi apo yekumubira mari yakashaya basa.

Mthetwa akashandisa chisimba kune mumhan’ari, Linda Kariwo (36), wepanhamba 1651 Siskdale, kwaMurewa.

Akamumwaya mhiripiri yakakuyiwa kumeso panguva iyo akanga ari kuzvibatsira muchimbuzi kwave kumutorera bhegi rake raive nemari inosvika US$1 287.

Mushure mezvo, Mthetwa akabva adzipa Kariwo pahuro achimutyisidzira kuti aizomuuraya kana achinge angoedza kuridza mhere.

Kariwo anoshanda saEcoCash Agent paMudhe Complex paDomborembudzi Business Centre iri paMurewa Business Complex.

Vaviri ava havana ukama asi vanoshandira pamuzinda mumwe chete uyu.

Nyaya iyi yakaitika masikati apo Kariwo akapinda muchimbuzi.

Akabva ateverwa naMthetwa uyo ainge akapfeka helmet aine kajira kapfumbu.

Kariwo akaedza kumutaurira kuti ainge ari kuzvibatsira muchimbuzi umu asi iye haana kuita hanya nazvo.

Kariwo paakaona kuti zvinhu zvainge zvisina kumira mushe akabva angosimuka achimhanyira kumusuwo wechimbuzi apo Mthetwa akabva amumwaya mhiripiri yakakuyiwa kumeso kwake senzira yekuti ange achimutorera bhegi raive nemari.

Vaviri ava vakakikiritsana vari muchimbuzi apo Kariwo aiedza kuzvidzivirira achibva adzipwa pahuro asi akaramba achidaidzira kune veruzhinji kuti vamununure.

Vanhu vaive padyo vakabva vauya uye panguva iyi, Mthetwa akakanda bhegi riye panze.

Veruzhinji pavakamununudza, Kariwo akazoona kuti mubhegi make mainge mangosara US$915 kureva kuti US$372 yainge yabiwa.

Kariwo akabva aenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaDomboramwari Police Base kwakare kwaMurewa zvakaita kuti Mthetwa asungwe.

Mthetwa akatongwa nemhosva yekuba achishandisa chisimba (Contravening Section 126 (1)(a) of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23 Robbery).

Related Posts

Makore matatu mujeri atema muvakidzani mumusoro nebhodhoro

Danisa Masuku MURUME wekurova muvakidzani wake musoro nebhodhoro redoro rakaputsika, zvikakonzera kuti arasikirwe nekugona kutaura zvakanaka zvachose, akatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu. Talent Moyo (31), wekuInyathi mudunhu reMatabeleland North, akamiswa…

Murume akadzingwa kuSA awanikwa akafa akarembera mumuti

Tendai Vambe MURUME ane makore 38 ekuberekwa wekuChipinge akawanikwa akarembera mumuti pamba pavo svondo rapera, mushure mekunge anetseka mupfungwa nekuda kwezvinhu zvaakasiya kuSouth Africa paakadzingwa munyika iyoyo. Mutauriri wemapurisa mudunhu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *