Hama dzemurume akatsikwa nebhazi dzotsvagwa

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kukumbira voruzhinji kuti awane mashoko ekune hama dzemurume ane mutumbi uri kumochari yeMasvingo Provincial Hospital.

Murume uyu anonzi akatsikwa nebhazi nemusi wa21 Nyamavhuvhu gore rino pa23 kilometre peg mumugwagwa weMasvingo-Beitbridge nenguva dza3.30pm pedyo negaraji reExor.

Mapurisa anoti pakatariswa mutumbi uyu hapana magwaro ekuzvarwa kana mamwe akaonekwa anoita kuti azivikanwe kuti ndiani.

Murume uyu anonzi angangodaro aine makore makumi matatu kusvika kumakumi matatu nemashanu okuberekwa.

Akareba  mamita 1,6, ari mushava uye aine muviri wepakati nepakati. Mufi uyu anonzi aive akapfeka tirauzi dema, matackie matema, shati nhema  nekepisi nhema yakanyorwa kunzi Ultra Health Care.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reMasvingo, Assistant Inspector Masauso  Patinyu, vanoti kune voruzhinji vane ruzivo nezvemurume uyu kana mashoko angabatsire kuti azivikanwe vanokwanisa kuzivisa mapurisa ari pedyo navo kana Officer In Charge ZRP Masvingo Traffic, Chief Inspector Melton Simari, panhamba dzinoti 0773 050 575 kana 0392 262 979.

Vanogona zvakare kuzivisa Investigating Officer, Sergeant Dillon Shoko, panhamba dzinoti 0773 897 235.

Asst Insp Patinyu vanokurudzira voruzhinji kuti pose pavanofamba vaone kuti vane magwaro ekuzvarwa kana mamwewo anoita kuti vazivikanwe zvose nekwavanogara.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *