Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko.
Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe che294 kilometre peg padyo neKFC kuMasvingo nguva yadarika.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti tsaona iyi yakaitika nemusi wa5 Chivabvu 2026 nenguva dza7:30 manheru.
“Mutumbi wemurume uyu asiri kuzivikanwa uyu une chimiro chiri pakati nepakati, uine ndebvu hombe wemunhu mushava akareba mamita 1,6. Murume uyu aiva akapfeka t-shirt nhema, jaketi dema nejean dema zvakare, neckless chena, marafters machena necap nhema,” vanodaro Insp Dhewa.
Mutumbi uyu wakachengetedzwa mumochari yechipatara cheMasvingo Provincial Hospital.
Insp Dhewa vanokumbira veruzhinji vane ruzivo nefiro yemurume uyu kana kwaanobva uye nehama dzake kuti vazivise mapurisa eZRP Masvingo Traffic panhamba dzinoti 263392-262979 kana kutaura naOfficer In-Charge, Inspector Tatenda Simbarashe Mukombero, pa0773 096
844 kana Investigating Officer Constable Patricia Bondera pa0777 330 050.
Pamusoro pazvo, vanokurudzira vane ruzivo nezvekutsikwa kwemushakabvu uyu kutaurira mapurisa ari padyo navo.
“Tinokurudzira nguva dzose kuti vanhu vafambe vaine magwaro ekuzvarwa kuitira tsaona dzakadai idzi. Semapurisa, tiri kutsvaga kune vanoziva motokari yakatsika murume uyu sezvo yakabva yatiza ichisiya murume uyu afa,” vanodaro Insp Dhewa.




