Kingstone Mapupu
MURUME anobva kuUnit L, mumusha weChitungwiza, odemba hunhu hwake hwekusadarikwa nemarokwe mushure mekudanana nemudzimai akazomuzora runyoka rwakakonzera kuti sikarudzi yake inyure.
Shadreck Karichi (55) anoti haasisina sikarudzi nokuda kwerunyoka.
“Semunhu aizvishandira kukanzuru yeChitungwiza, ndiri muchikamu chinotakura mabhini, ndaitambira mari yangu yakanaka chose. Mugore ra2024, ndakazosangana nemumwe mudzimai aizvifambira muno muChitungwiza, tikadanana,” anodaro Karichi.
Anoti aitorana nemudzimai uyu, vobva vananga kulodge, kuMayambara, kwaSeke, uko vainoshinha vasina kudzivirira, zvaanoti ndizvo zvaidiwa nemukadzi uyu.
“Panguva yatakadanana, inokwana kuita mwedzi mitatu, takasangana katatu tisina kudzivirira sezvo mukadzi uyu, uyo wandakangoziva nezita rokuti Mai Gire, aisada kudzivirira. Nekufamba kwenguva, ndakazotanga kumera kabundu panhengo yangu yakavandika,” anodaro Karichi.
Anoti akaita fungidziro yokuti ainge abatwa nenjovhera, achibva aputitsa kabundu kaye, kachibva kabuda mvura chete.
“Panguva yandakasangana nemudzimai uyu tichidanana, akataura kuti akarambana nemurume, ndokubva ataura sejee kuti murume uyu aiva akamugadzira zvekumuisa runyoka. Ini handina kuzvitambira, ndokutanga kurara tose pasina kudzivirira,” anodaro Karichi.
Anoti mabhora ake nesikarudzi zvakazotanga kuzvimba, ndokubva aenda kuChitungwiza Central Hospital, asi hapana chirwere chakabatwa.
“Ndakangobaiwa majekiseni zvikamboita nane. Sikarudzi yakazonyura zvekuishaya chaizvo, ndokuzodziuka maronda, ikadyika zvekupfupfunyuka. Handisisina chinhu, rwangove ruware. Pane ronda rakadya ‘baba’ vose,” anodaro Karichi.
Murume uyu anoti akazotanga kufamba nehama dzake kutsvaga kuti dambudziko rakange rabva kupi, zvikabuda pachena kuti akange apihwa runyoka nemudzimai uyu.
“Mudzimai uyu akandiitira utsinye nokuda kwekundinyepera kwaakaita kuti aiva akasiyana nemurume. Iniwo ndakaita mhosho paakataura kuti aiva akagadzirwa nemurume wake, ndikafunga kuti aitamba neni,” anodaro Karichi.
Anoti mudzimai uyu aiva nenhamba yake yenhare uye akazoenda kumusha kwake, kwaMurewa. Mushure mezvo, havana kuzoonana zvakare.
Karichi anoti kwaanofamba ari kuudzwa kuti mudzimai uyu ndiye chete anogona kumuroyonora runyoka urwu.
“Ndinokumbira kune mudzimai uyu, Mai Gire, kuti akaverenga nyaya iyi andibatsirewo nekudzoka kuno nokuti ndave kurwarira kufa. Handichagoni kufamba; ndave kugara ndakarara. Maporofita nen’anga vari kuti mudzimai uyu ndiye chete anogona kundiraramisa sezvo mhiko dzinoda kuitwa zvichibva kuzvipfeko zvake neweti yake kuti ndiinwe,” anodaro Karichi.
Anoti anoda kubatsirwa kubva kuna vanachiremba vakadzidzira basa nevechivanhu uye maporofita.
“Ndikawana anondirapa, handizvipamhidzi. Kana madzimai ndave kutoatya. Ndinoyambira vamwe varume kuti tisiyane nehushasha hwekusada kudarikwa nemadzimai mumigwagwa umu. Ini ndapfidza. Handirari nekurwadziwa uye nzira yekuitisa weti yakavhara; ndakatoiswa chubhu yekurasa nayo mvura. Mwenzva wekuita nawo tsvina wakambovhara, ndikazobatsirwawo nevamwe, zvikatanga kuita zvakanaka,” anodaro Karichi.
Murume uyu ave kugara akazvimonera nebhandeji pasikarudzi yake apo pave neronda hombe.
Anoti ari kubatsirwa naamai vake, hanzvadzi nemumwe munini’ina wake padambudziko iri.
“Handichanyari sezvo ndichigezwa ronda iri nehanzvadzi yangu; anofamba neni kwose, achiedza kundibatsira. Mukurarama ndakaita madzimai mashanu uye ndine vana 4 chete,” anodaro Karichi.
Anoti baba vake vakashaika kare.
Zvakadai, Kwayedza yakavhura murume uyu ikaona asina chaainacho kunzvimbo yake yesikarudzi kunze kweronda ravhara; pangove paruware chaipo.
“Ndinokumbirawo kumadzimai kuti vasanyepere varume vanovapfimba mumigwagwa kuti havana varume; votaurawo chokwadi chemamiriro avo,” anodaro Karichi.
Muzvare Mirica Karichi (53), anove hanzvadzi yanyakusangana nedambudziko, anoti vatambura neurwere uhwu.
“Hanzvadzi yangu yakambotanga ichivanza urwere uhwu kusvikira azobuda pachena. Akatosiya basa izvozvi kukanzuru yeChitungwiza kwaaishanda. Mudzimai waaidanana naye uyu akasiya imwe mbatya yake kumba kwangu, iyo tiri kumbonyika mumvura, topota tichimunwisa mvura yacho sekungoedzawo zvatinonzwa,” anodaro Muzvare Karichi.
Mukuru wesangano reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), VaGeorge Kandiyero, vanoti Karichi anofanirwa kubatsirwa pachivanhu nekubviswa runyoka urwu.
Asi vanoti zvinoda kuti mudzimai waaidanana naye awanikwe kuitira kuti mishonga yechivanhu igosanganiswa neweti yake senzira yekuroyonora runyoka urwu.



