Muchaneta Chimuka
HURUMENDE yakaparura chirongwa chichaita kuti vadzidzi vakawanda vanobva kumhuri dzinotambura vapihwe mabhezari ekuita zvidzidzo zvakatsaukana-tsaukana zvekurima mumakoreji.
Vachitaura pakuparurwa kweZimbabwe Agricultural Society Scholarship Programme muHarare svondo rapera, mutevedzeri weGurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwekumaruwa, VaDavis Marapira, vanoti Hurumende ine donzvo rekusimudzira vechidiki
munyaya dzeupfumi nekurima, izvo zvakaita kuti iunganidze mari inosvika US$240 000 yekuvatsigira muzvidzidzo zvavo. Vadzidzi vakabatsirwa pasi pechirongwa chemabhezari ichi vanosvika 45 kubva kumakoreji masere ari kumativi mana enyika.
“Kuparura kwataita chirongwa chemabhezari kunoratidza rwendo rukuru rwatiri kufamba mukusimudzira nyaya dzekuwaniswa kwechikafu munyika, izvo zvinobatsira zvakare mukusimudzirwa kweupfumi nevechidiki. Kurima ndiwo musimboti weupfumi hwenyika, kuti tikwanise kuzadzisa zvinangwa zveVision 2030,” vanodaro.
Vanoti chirongwa chemabhezari ichi chine chinangwa chekusimudzira vechidiki mumabasa ekurima padanho rediploma. VaMarapira vanoti vane taririso yokuti mukati mevadzidzi ava ndimo muchabuda madhumeni navanamuzvinabhizimusi vemangwana vanozosimudzira misika nezvimwe zvikamu zvikuru zvekurima munyika.
“Tinofara kuti vadzidzi 45 vakasarudzwa kuti vakwanise kuzadzikisa rwendo rwavo rwedzidzo rwemakore matatu. Vadzidzi ava vave kurerutsirwa panhau yekubhadhara mari yechikoro . . . , zvichibva kurutsigiro rweHurumende rweUS$240 00, zvinova zvatinorumbidza,” vanodaro VaMarapira.
Mutungamiri weZimbabwe Agricultural Society (ZAS), VaNgoni Kudenga, vanoti sangano ravo rave nemakore anodarika 130 richifambisa nemazvo nyaya dzekurima, zvikuru mukutsigira varimi vadiki.
Vanoenderera mberi vachiti sangano iri ratora rimwe danho guru rekusimudzira vadzidzi vezvekurima vari mumakoreji.
“Tiri kubata neHurumende yedu mukutsigira zvirongwa zvokuti tive nevashandi vane ruzivo muchikamu chekurima uye vanofambirana neruzivo rwechizvinozvino rweindaneti, tichiona kuti patichasvika mugore ra2030 munhu wose anenge ave kurarama upenyu hwakanaka panhau dzeupfumi,” vanodaro.
VaKudenga vanoti vanofara zvikuru kuti chikamu chikuru chevadzidzi vezvekurima vari kutsigirwa vanasikana.
“Kana ukatsigira mwanasikana, wafundisa nyika nokuti iyewo achafundisa mhuri yake yemangwana uye kana vanasikana vachinge vaine mari yavo havazombunyikidzwi zvakanyanya mudzimba,” vanodaro.
Tatenda Nyakudya, wekuChibero College of Agriculture, anove mumwe wevadzidzi vari kubatsirikana nechirongwa ichi, anoti achabatisisa mukana uyu kuti abudirire muzvidzidzo zvake. “Ndinotenda Hurumende nekurangarira kwayaita isu vadzidzi vezvekurima kuburikidza nekutitsigira nemari yedzidzo. Idanho rakakosha muupenyu nokuti kurima haisi fejafeja asi kuti pane ruzivo rwunofanira kuburwa kuti tigone kubata basa iri nemazvo. Kushaikwa kwemari yechikoro kunoita kuti vadzidzi vakawanda vane zvipo vawanikwe vachisiira zvidzidzo zvavo panzira. Kutsigira dzidzo kunoderedza nyaya dzekutorwa kwezvinodhaka munyika, zvikuru sei pakati pevechidiki,” anodaro.



