‘Jeri rakandiworora’ . . . ndinotsvagawo rubatsiro rwekutanga mabhindauko

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI ane makore 33 okuberekwa, Pedzisayi Madhewu, wekuSub Drift kudunhu raMambo Nyashanu kuBuhera anoti jeri rakamuworora uye akadzidza kuti kupara mhosva hakubhadhare mushure mekupika mwedzi 13 nekuda kwekurima mbanje achitengesa.

Madhewu, uyo pari zvino ave kugara kuKinsdale kuNorton, anoti paaive kujeri akadzidziswa kurima howa uye ane nziyo dzaakanyora nekudaro ari kukumbira kune veruzhinji vanokwanisa kumutsigira.

Madhewu anoti akatizwa nemurume akasiiwa nevana vatatu izvo zvakaita kuti azotanga kurima mbanje achitengesa kuti akwanise kuraramisa mhuri yake.

Anoti akasungwa nemusi wa13 Kurume mugore ra2024 ndokupihwa chirango chekugara mujeri kwemakore maviri nematare edzimhosva apo mimwe mwedzi yakasendekwa parutivi.

Akazobuda mujeri musi wa14 Chikunguru gore rino.

“Semunhu akanga atizwa nemurume, ndakashaya kuti ndochengeta vana sei ndokuenda kupurazi rekuMagunje kwaMambo Dendera kuKaroi kunogara mukoma wangu uko ndakanotanga kurima mbanje kuti mhuri irarame. Ndakaita nguva ndichizviita kusvikira ndakazorima mbanje madzinde 120 mukati memunda wechibage gore rakapera ikasvika pakukura. Mapurisa akazonyeverwa nevamwe kuti ndaiva ndakarima mbanje, ndakasungwa. Ndakaendeswa kudare reKaroi Magistrates’ Court ndokupihwa chirango chekugara mujeri kwemakore maviri chimwe chikamu ndokusendekwa parutivi ndikazopika mwedzi gumi nemitanhatu,” anodaro Madhewu.

Anoti panguva yaaiva kujeri, vana vake vanoti wemakore gumi nemaviri okuberekwa, wemakore gumi newemakore mana vakasara vachichengetwa nehama.

“Ndakanzwa kuti pavana vangu mumwe akaenda kuna ambuya amai vemurume, mumwe akanochengetwa nemukoma wangu uye mumwewo ndokuendeswa kuSocial Welfare uko ndinonzwa kuti akazodzoswa. Ndava nemazuva manomwe ndaburitswa mujeri, vana vangu handisati ndavaona izvozvi nekuda kwekwavari kugara kwakasiyana uko ndisina mari yekukwira mabhazi kuenda ikoko,” anodaro Madhewu.

Mudzimai uyu anoti haazive kwakaenda murume wake.

“Ndiriko kujeri, ndaigara ndichiverenga bhaibheri nekuparidza zvakaita kuti nditange kunyora nziyo dzangu dzechitendero. Ndakanyora madambarefu gumi ane nziyo nhanhatu padambarefu kureva kuti ndakanyora nziyo makumi matanhatu. Kamwe kambo kakapera kangomirira kutsikiswa kanonzi Conveyer Belt ako ndinotaura kurarama kweupenyu hwangu nevamwe,” anodaro Madhewu.

Anoti ari kujeri, akadzidzawo kurima howa rinova basa raanoti akarinzwisisa zvikuru.

“Ndine ruzivo rwakanyanya rwekurima howa saka chinongodiwa chete imari yekuti nditangise kurima nemariwo yekutsikisa nziyo dzangu. Handina pekuti vana vangu vararame napo saka ndinokumbira kuti veruzhinji vandibatsirewo,” anodaro Madhewu.

Kune vanoda kubatsira mudzimai uyu, vanomuridzira nhare panhamba dzinoti 0786 0111 98.

Madhewu anoti munhu akadzidza hupenyu hutsva uye ave kuda kurarama pasina kupara mhosva zvakare.

“Kune vanhu vari kujeri ndinoti ngavazvipire vapedze zvirango zvemitongo yavo vaine tariro vozodzoka vachiparidzawo zvavakadzidza. Ndinotenda hama dzangu dzakasara dzichindichengetera vana vangu ndikawana pasina akafa nekudaro ndinoda kuti vanditsigirewo pane zvose zvandichada kuita,” anodaro Madhewu.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×