Kunzwisisa mutauro weChishona

Zvidzidzo zveChishona naBambo J

 

Mhuka nevana vadzo

Hwai – shere

Gava – hambwana

Inda – rakadzi

Kamba – shasha

Garwe – ganyamatope

Tsuro – nhowa

Shumba – handa

Rwaivhi – mandishaya

Hove – rereza

Katsi – chidharimbo

Shoko – maidei/shokorana

Mbira – chiduwa

Njiri – chinjerete

Mvuu – handachibvuwa

Bimha – tsvana

Mbeva – manditeya

Nyuchi – zana

Datya – zunguzurwa/buruvuru

Nzou – mhuru

Huku – nhiyo

Gudo – rushiye

Munhu – rusvava

 

Tsumo

1. Ishe ndishe, muranda muranda

2. Ishungu dzomutana waswera padare kuramba nemhandire seane meno

3. Isimba kaviri kurwa nemukadzi weasipo

4. Kakara kununa hudya kamwe

5. Kamoto kamberewere kanopisa matanda mberi

6. Kana shumba ikashaya nyama inodya uswa

7. Kana wadya imbwa idya iri hono

8. Kandiro enda kandiro dzoka

9. Kandiro kanoenda kunobva kamwe

10. Kangoma kana koririsa kawa pedyo nekuda kubvaruka

11. Kubaya tange hama vatorwa vakutye

12. Kubikira mweni kumudzinga

13. Kuchengeta imbwa yomweni kuda mwene wayo

14. Kuchenjedza nyamukuta kuzvara uchada

15. Kuda chemungozva kubata mwana

16. Kudada kwavari mugomo kukumbira vari pasi mapfiwa

17. Kudya chevapfupi nekureba

18. Kudyirwa munda nembwa sendakarima nyama

19. Kufa izuva rimwe, kuora igore

20. Kufa kweane hari anosiya mazonde

21. Kufira mafufu segonzo

 

22. Kugara nhaka kuona dzevamwe

23. Kugarika tange nhamo

24. Kugocha kunoda kwaamai kwomwana kunodzima moto

25. Kugutswa nguva shoma senzara

26. Kujaidza makudo neanokamhina

27. Kukokwa kwasamusha kukokwa kwavagere naye

28. Kukonwa kwedare kukonwa kwamambo

29. Kukurukura hunge vapotsva

30. Kungotya nyanga dzezizi nyamba manhenga

31. Kunokanganwa mudyi wenyemba muoreri wamateko haakanganwi

32. Kupa kuturika

33. Kupedza nyota kuenda padziva

34. Kupfuma kwemuchana mudzimu wake

35. Kuramba dzvuku kuona jena

36. Kuramba nyama yechidembo hunge une yetsuro

37. Kurava mbudzi nedzisipo kurava nedzava matowo

38. Kuravidza chembere muto wegwaya mangwana inofira mudziva

39. Kurayira kunoda pwere mukuru ndimambo

40. Kure kwegava ndokusina mutsubvu

41. Kure ndokuna amai kune mukadzi unofa wasvika

42. Kurembera kwedamba handiko kuwa

43. Kurera imbwa nomukaka mangwana inofuma yokuruma

44. Kurera imbwa rera inoruma igokudzivirira mupfumvu

45. Kureva ndokunei, kutarisa kurevawo

46. Kurova imbwa wakaviga mupini

47. Kurumwa nechekuchera

48. Kusaziva kufa

49. Kutaura kudzikisira kuita makata

50. Kuvhunduka chati kwata hunge une katurike

51. Kuyewedza semhiripiri mukati izere uturu

52. Kuziva mbuya huudzwa

53. Kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira

54. Kwamairidigikira ndiko kwomoringa benya, kwamairinga benya ndiko kwomoridigikira

55. Kwave kusakara kwedowo serisakadyiwa nyama

56. Made echakata kutsvukira mumuti kuti ndiposherwe

57. Mai musuva usingasevi muto

58. Makunguo zvaakatya akafa mangani

59. Makunun’unu maodza nyemba

60. Manenji kuona kamba ichitamba nembudzi

61. Mangachena inoparira parere nhema

62. Manyengedza pfungwa efodya kuzadza dama nehutsi husingasviki kuguru

63. Mapudzi anovira kusina hari

64. Matakadya kare haanyaradzi mwana

 

Related Posts

Manica Diamonds, Dynamos advance tickets on the market

Ray Bande Senior Reporter MUTARE Castle Lager Premiership outfit Manica Diamonds has started selling tickets at various points in the city in a move aimed at averting congestion at the…

Minister Kambamura graduates from Africa University

Tendai Gukutikwa Post Reporter MINES and Mining Development Minister, Dr Polite Kambamura has graduated with a Master’s Degree in Public Policy and Governance from Africa University. He is among 698…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×