Judith Phiri
GURUKOTA rezvemari nekusimudzirwa kwebudiriro yehupfumi, Professor Mthuli Ncube, vorumbidza purazi reThathokuhle Farm riri pedyo neBulawayo nekuda kwebasa guru rariri kuita mukuunza mari yekunze, kuwanisa vanhu mabasa uye kubatsira zvakanyanya mukusimukira kwehupfumi hweZimbabwe.
Purazi iri, iro rinowanikwa muDouglasdale, kunze kweguta reBulawayo, rakatandavara mahekita makumi mana nemana uye rinoitwa mabasa anosanganisira kurimwa kwembanje inozovandudzwa ichigadziriswa mishonga inorapa, kupfuya hove nenguruve, kurima strawberry nemimwe michero.
Mumashoko avo akagoverwa mushure mekushanya kwavo kupurazi iri munguva pfupi yapfuura, Prof Ncube vanoti chirongwa ichi chine mukana mukuru wekubatsira zvakanyanya mukukura kwehupfumi hwenyika.
“Ndakafadzwa zvikuru nezvikamu zvegreenhouse zvakatsaurirwa, zvinoshandisa majini emhando yepamusoro anotorwa kunze kwenyika uye anoberekeswa munharaunda, pamwe nekukwanisa kwepurazi kuomesa nekugadzira mbanje inozovandudzwa kuita mishonga nezvimwe zvigadzirwa zvine chekuita nayo kumisika yepasi rose,” vanonyora vachidaro Prof Ncube.
“Pari zvino kambani iyi ine vashandi vanopfuura makumi masere, mabasa achiwedzera munguva dzekukohwa zvakanyanya, zvichiratidza mukana wekusimudzira mabasa ehupfumi.
“Ndakatorawo mukana uyu kutaurirana nevatungamiriri vemakambani nezvematambudziko ari kusangana nechirongwa ichi uye kuve neruzivo rwerutsigiro rwakakosha rwunodiwa kuti mabasa aya aendeke.”
Prof Ncube vanoti nekuona kukosha kwekumapurojekiti akadai mukuwanisa mabasa pamwe chete nemari yekunze, Hurumende yakatora danho rekurerutsira nyaya dzemitero senzira yekutsigira budiriro yepurazi iri.
Vanoti zvirongwa sezviri kuitwa paThathokuhle Farm zvinoratidza kukosha kwekutsigira mabhizinesi anobudirira anogona kusimbisa hupfumi hweZimbabwe uye kuisa nyaya dzekurima panzvimbo yekutora chikamu chikuru mumisika yepasi rose.
Chirongwa ichi chiri kutungamirwa nevarimi vane ruzivo, VaMike Querl, mudzimai wavo, Mai Kerrie Mitchell Querl, pamwe nemumwe wavo wavanoshanda naye mubhizinesi, VaGraeme Jansen Van Vuuren.
Mushure mechisungo cheHurumende chekubvumidza kurimwa kwembanje kuitira zvinangwa zvekurapa uye zveindasitiri muna Kubvumbi 2018, boka revanhu vatatu ava rakafunga kutanga kurima mbanje sebhizimisi muna 2021.
Hurumende yakabvumidza kurimwa kwembanje kuitira zvinangwa zvekurapa kana zvesainzi pasi pemutemo weStatutory Instrument 18 (Dangerous Drugs — Production of Cannabis for Medicinal and Scientific Use Regulations).
Pasi pemutemo uyu, varimi vembanje vanofanira kuwana mvumo kubva kubazi rezveutano nekuchengetedzwa kwevana.
Mai Kerrie Mitchell Querl vanoti vanotenda zvikuru nenguva yakatorwa naProf Ncube apo vakasiya humwe hurongwa hwavo hwakakosha vachishanyira purazi ravo.
“Purazi rine vashandi makumi mashanu vanoshanda nguva dzose, asi panguva yekukohwa, tinogona kuwedzera huwandu hwacho kusvika pazana. Tine boka revanhu vasere rinoona nezvekugadzirisa nekuchengetedza michina nezvivakwa, uye rimwe boka revanhu vasere rinoona nezvekuchengetedzeka kwepurazi.
“Tine varimi vatatu nevakadzi makumi matatu nemumwe vanoshanda nezvirimwa izvi. Saka, vanopfuura zvikamu makumi manomwe kubva muzana (70%) zvevashandi vedu vanhukadzi.”
VaMike Querl vanoti vanonzwa ruremekedzo rukuru nekushanyirwa kwavakaitwa naProf Ncube.
Vanoti gurukota iri rakaona chirongwa chavo chekurimwa kwembanje, icho chinosanganisirawo kupfuya hove, kurima miriwo isina kushandiswa mishonga ine njodzi (organic vegetables) uye miti yemichero inopfuura zviuru zvitatu.
“Tiri kuita zvekurima zvine hunyanzvi uye tichishandisa ivhu redu zvizere, tichiratidza zvinogona kubudiswa nemurimi mudiki. Tinovimba kuti munguva pfupi iri kutevera, nerubatsiro rweHurumende, tichava nechirongwa chekuti varimi vadiki varimewo mhando yembanje yemaindasitiri (industrial hemp); izvi zvichabatsira zvikuru mukusimudzira chirongwa chemutungamiri wenyika President Mnangagwa cheVision 2030 sezvo varimi vedu vadiki nevari pakati nepakati vachizokwanisa kuwana mari yakawanda.
Gurukota rakatirerutsira nekuitira nyore panyaya yemutero sezvo richinzwisisa chinangwa chedu,” vanodaro VaQuerl.




