Landlord aponda roja achiripomera kudanana nemudzimai wake

Kingstone Mapupu

MURUME wemumusha waMashayabvudzi kuMvuma, kudunhu reMidlands anonzi akaponda muroja wake achimupomera mhosva yekudanana nemudzimai wake.

Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa31 Ndira.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Aleck Chaminuka (25) anova muridzi wepamba paigara muchakabvu uyu, Tanaka Musiiwa (24), akasvika pamba usiku nemusi wa31 Ndira nenguva dza8 manheru achibva kuChivhu kubasa kwake apo pakazomuka kusawirirana.

“Aleck Chaminuka akabva kuChivhu uko aishanda ndokuwana mudzimai wake, Caroline Hofisi (23), asina kubika kudya kwemanheru, ndokubvunza achibva ataura kuti aiva achangodzoka kubva kuchechi uko aipinda. Vaviri ava vakatanga kunetsana nekuda kwenyaya iyi zvakabva zvaita kuti Caroline Hofisi aende kunopotera mumba maTanaka Musiiwa umo akasvikogashirwa naPortia Dzigahwi (19) anova mudzimai waTanaka Musiiwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti Dzigahwi akabva azivisa murume wake, Musiiwa, nekuda kwekunetsana kwaChaminuka nemudzimai wake.

“Sezvo Tanaka Musiiwa, uyo pakatanga kunetsana kwevaviri ava aisavapo, akazosvika pamba apa nenguva dza2000 hours. Ipapo Chaminuka akabva atanga kumupomera kuti aidanana nemudzimai wake. Vaviri ava vakatanga kunetsana apo madzimai aya ose vaiva mukati memba yaMusiiwa, panguva iyi Chaminuka akatora banga ndokubaya naro kamwechete Musiiwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti vavakidzani vakazotakura Musiiwa kuenda naye kuchipatara cheMvuma District Hospital uko akasvika achishaika asati abatsirwa.

“Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa eZRP Mvuma, Chaminuka achibva asungwa. Semapurisa, tinoramba tichiyambira veruzhinji kuti kana paita kusawirirana ngavasiyane nekurwisana kana kupondana asi kuti vanosungirwa kutsvaga vayananisi,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *