Kingstone Mapupu
MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.
Zvipfeko zvemukati zvemadzimai vemunzvimbo iyi zvakashaikwa zvinonzi zvinosvika makumi matatu izvo zvaingotsakatika pawaya apo vainge vakazviyanika vapedza kuzviwacha.
Munyaya iyi, pane mukomana wechidiki akazobatwa usiku achidzungaira pamba pevaridzi ndokutadza kupa tsananguro inogutsa kuti aitsvagei.
Mukomana uyu anonzi akatanga kurohwa akazodura kuti ndiye aiba mabhurugwa aya achinocherera muchirugwi chehuku.
Mai Nyasha Nyamayauta (32) vanogara mumugwagwa waHaka kuBudiriro 2 vanoti vakabirwa zvipfeko zvakawanda uye vari kurwara nemusana nekutevera kasingagumi.
“Ndaibva kubasa usiku ndokusangana nemukomana uyu watiine zita rake ndokumubvunza kuti aidei pamba pedu akati aitsvaga vakomana vemabhasikoro. Ndakamubata ndokushevedza vamwe ndipo paakabvuma kuti aiba mabhurugwa echidzimai pasina chimwe. Anoti aitora mabhurugwa aya achinoita chimhandaramaoko ozvishambidza nemabhurugwa aya, hatizive kuti mishonga here kana kuti pane anomushandisa,” vanodaro Mai Nyamayauta.
Vanoenderera mberi vachiti:
“Mumashoko ake taenda naye kumapurisa, anoti aingoita chimhandaramaoko akayeva mabhurugwa aya ozozvipukutisa nawo, anoti akazviona mumadandemutande ndokuzvitevedzerawo.”
Mai Anyway Kahiya Mutasa (26) vanogara pamba pamwechete naMai Nyamayauta vanoti vakashaya zvipfeko zvavo zvitanhatu musi mumwechete zvaiva pawaya.
“Ndashaya zvipfeko zvangu, ndakatanga kurwara nemusana nemudumbu ndichitevera kasingagumi. Pakazowanikwa mabhurugwa kubva kumukomana uyu asi angu handina kuawana saka handizive kuti akaendeswa kupi,” vanodaro Mai Kahiya Mutasa.
Murume wavo, VaTatenda Mutasa (28), vanoti nyaya iyi yakavavhundutsa zvikuru.
“Sevanhu tinenge tiri kumabasa ndakangonzwa kuti mudzimai abirwa zvipfeko ndokuzonzwawo kuti kwakabatwa mukomana aiba. Zvinoshamisa kuti aiita chii nemabhurugwa aya,” vanodaro VaMutasa.
Mai Bettina Makoni (26), mumwe wevagari munzvimbo iyi, vanoti vakangonzwa ruzha usiku ndokuona mukomana aiva achirohwa nemadzimai achinzi aiita tsika yekuba zvipfeko zvavo zvemukati.
“Madzimai muno tinoshaya mabhurugwa edu pawaya saka vanhu vaishaya kuti ari kuenda kupi. Mukomana uyu akazobatwa ndokubvuma kuti ndiye aiba mabhurugwa aya apo aizoenda pane imwe imba achinocherera mabhurugwa acho achiafushira mudanga rehuku. Anoti mamwe aikanda mumigero achiyerera nemvura,” vanodaro Mai Makoni.
Mukomana anonzi akabvuma kuti ndiye aiba mabhurugwa uyu anoita Form 3 pane chimwe chikoro chiri munzvimbo iyi.
“Mukomana uyu akafirwa naamai anongova nababa chete achigara nastep-mother, aigara paimba iri mumugwagwa waNzou apo vairoja. Vakazotama nekuda kwechiitiko ichi. Asi, mwana uyu ndaimuona achipinda muzumbu zvakanyanya achiita seanotamba nehuku, hatichaziva kuti huku idzi dzakasara manake here,” vanodaro Mai Makoni.
Mai Talent Pilo Magadzire (37) vanova muvakidzani wepamba paigara mhuri yemukomana uyu, vanoti madzimai anga anetsekana nekubirwa zvipfeko zvemukati kwemwedzi ine chitsama yakadarika.
“Mukomana uyu hatizive dambudziko rake anogara nastep- mother nababa vake sezvo amai vake vakashaika. Nemusi uyu, akawanikwa pamba pevanhu vainge vachishaya zvipfeko zvavo ndokubvunzurudzwa achibva abvuma kuti ndiye aiba mabhurugwa. Akazotungamirira vanhu pamba pavaigara apa ndokunofukunura muzumbu umo maaiva akacherera mabhurugwa aya,” vanodaro Mai Magadzire.
Vanoti mukomana uyu akazotorwa akaendwa naye kumapurisa eBudiriro ZRP uko akanobvunzurudzwa kukavhurwa dhoketi asi akazoregwa achidzokera kumba nekuda kwezera rake.
“Nyaya iyi yakabuda apo vamwe amai vakarwara vachingotevera kasingaperi vashaya zvipfeko zvavo ndokuenda kune mumwe muporofita akavataurira kuti vaiva vagadzirwa ndokupihwa mhiko dzekuti vabate munhu uyu,” vanodaro Mai Magadzire.
Madzimai aya vanoti vari kutsvaga kubatsirwa nenyanzvi munyaya dzechivanhu nekuda kwezvipfeko zvavo zvaibiwa izvi.
Kwayedza yakazoronda pamba panonzi pava kugara mukomana uyu nevabereki vake kukabuda mashoko ekuti vainoswera kune imwe nzvimbo kunharaunda yeBudiriro iyi senzira yekuvanda vanhu.
“Hongu, vanhu ava vanogara pano asi masikati kudai hamumbovaona vane kwavari kuenda. Hatina nhamba dzavo dzenhare, mukomana uyu anoenda kuchikoro,” anodaro mumwe mudzimai.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya iyi.
Zvakadai, Prophet Elijah vechechi yeMt Gilead vanoti uhu hushereketwa huri pachena zvinoda kuti mwanakomana uyu abatsirwe.
“Mwana uyu zvose nevabereki vake, kusanganisira madzimai akashaya zvipfeko ava, vanoda kuti vabatsirwe nekuti mabasa aya ane chekuita nehuroyi,” vanodaro Prophet Elijah




