Madzimai 2 akanyura murwizi achiita zvemanjuzu azivikanwa

Arron Nyamayaro

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti akwanisa kuziva madzimai maviri akanyura murwizi kuBindura achiita zvemanjuzu.

Ellen Mlauzi (49) naEthel Nyabundu (22) vakanyura murwizi Nyaure mumusha weManhenga.

Vakaenda kunoita zvemanjuzu nevamwe vavo vanoti Pauline Kadzviti (48), Tabeth Sagwidza (39) naEmma Sagwidza (35).

Mumwe murume anonzi Jacob Peter ndiye akavaperekedza.

Panoitwa zviitiko izvi, vanhu vanenge vachitenda mweya yemanjuzu kubva pakuwaniswa pfuma nehupenyu hwakanaka.

Zvirongwa zvemanjuzu zvakurumbira kune vamwe vechidiki avo vane shuviro yekuita hupenyu hwakanaka nekukasika.

Zvisinei nekuti hakuna anonyatsoziva kana kuva neumbowo hwekuti zvemanjuzu izvi zvinobatsira zvakadii, vanhukadzi vazhinji munyika vava kuzviita uye vanenge vachivimba kuti vanokwanisa kuwana mhanza yakanaka mumadziva, munzizi, mumadhamu, mumakungwa nedzimwe nzvimbo huru dzine mvura.

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi.

“Mapurisa eZimbabwe Republic Police anotsinhira kuti kune madzimai maviri akafa nekunyura mumvura murwizi rwaNyaure, mumusha weManhenga kuBindura,” vanodaro Comm Nyathi.

“Vashakabvu ava vanonzi pane mhiko dzechivanhu dzavaiita vaine mamwe madzimai maviri nemumwe murume.

“Mumwe wevashakabvu ava anonzi akaratidza seabatwa nemweya, achibva aenda pakati pemvura apo akanonyura. Murume uyu akatevera, akaedza kumununura asi zvikashaya basa. Akashevedza vamwe zvikakona n’anga murapwa achida izvo zvakazoita kuti mumwe mukadzi wechipiri anyure.”

Vanoenderera mberi vachiti: “Vakakwanisa kuburitsa chimwe chitunha uye chimwe chacho chakazoburitswa zuva remangwana racho nemapurisa eSub-Aqua Unit. Semapurisa, tinoramba tichikurudzira veruzhinji kuti vasatambire munzvimbo dzine mvura dzakadai semunzizi, madhamu uye kuti vasiyane nekuita zvinhu zvinokanganisa hupenyu hwavo. Tarasikirwa nehupenyu hungadai hwakachengetedzwa kudai vanhu vasina kutora matanho aya anovaisa panjodzi.”

Comm Nyathi vanoti kufeewa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi kuti pazivikanzwe kuti chii chakatora nzvimbo kudzamara vaviri ava vazofa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×