Makondomu 15 800 agoverwa paForbes Border Post musvondo rimwe

Tendai Gukutikwa

MAKONDOMU anosvika 15 800 akagoverwa svondo rapera chete kuvatyairi vemagonyeti, vanoita mabhizimusi ekuenda kunze kwenyika vachinohodha zvinhu zvakasiyana-siyana, vanoita basa rekutengesa muviri nevamwe vafambi paForbes Border Post neveZimbabwe National Family Planning Council (ZNFPC).

Aisanganisira evarume neevakadzi uye chirongwa ichi chakaitwa pasi pesangano reInternational Organisation for Migration (IOM).

VaDaniel Maromo vanova mukushi wemashoko uye vachiona zvakare nezvekushambadza kuZNFPC kuManicaland, vanoti chirongwa ichi chimwe chenzira dzavanoshandisa mukudzivirira kutapurirana zvirwere zvepabonde.

Vanosimbisisa kuti huwandu uhu ndehwemakondomu akagoverwa chete kwete vanhu vakataurwa navo paiitwa chirongwa ichi.

“Svondo rapera chete, takagovera makondomu anosvika 15 000 evarume ne800 evakadzi paForbes Border Post. Zvisinei, izvi hazvireve kuti takapa vanhu 15 800 nekuti vamwe vaitora mapeketi emakondomu anodarika rimwe chete,” vanodaro.

Chirongwa ichi chakaitwa panzvimbo mbiri — panotengeswa mafuta ezvifambiso pedyo nemuganhu wenyika nepamuganhu wacho — izvo zvakabatsira zvikwata zveutano kuti vakwanise kusvika kuvanhu vakawanda.

“Zvisinei, hatina kuzokwanisa kubatsira vose vaida rubatsiro urwu nekuda kwenguva yaive shoma. Ichi chiratidzo chekudiwa kuri kuitwa zvinhu zvine chekuita nekusimudzira utano hwesikarudzi kumiganhu yenyika,” vanodaro VaMaromo.

Vanoti kuwanikwa kwemakondomu kunharaunda dziri kumuganhu wenyika kwakakosha nekuti anobatsira mukudzivirira pamuviri pasina kurongeka pamwe chete nekutapurirana zvirwere zvepabonde.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *