Makore 47 mujeri abata chibharo vakadzi 3 . . . aivapomera kuti vamuonerera achirasa dope

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuMacheke akatongerwa kugara mujeri kwemakore 47 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo vakadzi vatatu avo aipomera kuti vaive vamuonerera achirasa dope musango.

Magwaro emapurisa ekudunhu reMashonaland East anotaridza kuti izvi zvakaitika munaNdira gore rino munguva dzakasiyana-siyana.

Munyaya yekutanga, musungwa anove Vitalis Mademe (34) wekuPlot 48 Anzona Farm, kuMacheke akasangana nemudzimai ane makore 23 uyo akanga ari kufamba neshamwari yake ine makore 19 ekuzvarwa uye vose vanove vagari vekwaMurewa.

Vaifamba nemugwagwa unoenda paNhohwe Primary School kuMacheke.

Mademe akatanga kupomera vakadzi vaviri ava mhosva yekumuonerera apo vakapfuura achirasa dope padyo nemugwagwa uyu.

Akatora shamu ndokutanga kurova mumhan’ari ane makore 19 okuberekwa kakawanda achibva ataurira vaviri ava kuti vabvise mbatya dzavo, vachibva vabvuma nekutya.

Mademe akabata chibharo mumhan’ari ane makore 23 pamberi peshamwari yake ine makore 19 ekuberekwa iyo yaive iri musvo.

Mushure mechibharo ichi, Mademe akataurira vakadzi ava kuti vachienda kumba apo mumhan’ari akabva aridzira nhare mukoma wake wemunharaunda iyi achimutaurira nezvenyaya iyi.

Nomusi wa14 Ndira gore rino munguva dzemangwanani, mumhan’ari wepiri ane makore 26 ekuberekwa akanga ari kufamba netsoka kuenda kuWaterloo Shopping Centre apo akasangana naMademe akamira pakati pemugwagwa achinyebera kuita seari kurasa dope.

Mudzimai uyu akaedza kutiza asi akabva amiswa naMademe achimupomera mhosva yekuti ainge atomuonerera.

Mademe akabva ashandisa chisimba achiti aitodawo kuona mumhan’ari uyu asina kusimira achibva atora shamu ndokutanga kumurova.

Akaenderera mberi nekumubvisa mbatya dzake ndokumubata chibharo kamwe chete.

Pazuva rimwe chete iri nenguva dza9am, mumhan’ari wetatu, uyo ane makore 24 ekuberekwa, aifamba nemugwagwa mumwe chete uyu unoenda kuWaterloo Shopping Centre.

Akabva aita mahwekwe nemusungwa anova akamutaurira kuti aburutse mwana waainge akabereka kumusana asi akaramba.

Mademe akabva atanga kurova mudzimai uyu neshamhu, mwana achibva adonhera pasi.

Akabva abata mudzimai uyu chibharo kamwe chete.

Mushure mechibharo ichi, Mademe akatiza nemusango apo mudzimai uyu akabva aenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa eZRP Macheke Waterloo Base.

Vamwe vamhan’ari vaviri vekutanga vakange vamhan’ara nyaya dzavo pakamba imwe chete iyi nomusi wa14 Ndira.

Vamhan’ari vakavhenekwa nemachiremba paNhohwe Mission Hospital nomusi wa15 Ndira.

Mademe akaendeswa kuMarondera Provincial Hospital kunovhenekwa akaonekwa kuti ainge aine utachiona hweHIV uye aive zvakare nezvirwere zvinoti rurindi, Hepatatis B neSyphilis zvinova zvinotapuriranwa nenzira yebonde.

Nomusi wa16 Ndira, pakaitwa chirongwa nemapurisa chekuti vamhan’ari ava vanongedze munhu akavabata chibharo apo vese vakabudirira kuziva musungwa.

Mademe akazoendeswa kudare reMarondera Magistrates Court achibva abatwa nemhosva nhatu dzechibharo neimwe chete yekubvisisa munhu hembe.

Nomusi wa19 Ndira, Mademe akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 15 pamhosva yechibharo imwe neimwe uye nemakore maviri ekukumurisa munhu hembe achimuonerera kureva kuti achapika makore 47 azere.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×