Fungai Lupande
YAKAVE bata murefu bata mupfupi mumusha waKatena kuChiweshe, kudunhu reMashonaland Central nguva yadarika apo vanamati vechipositori vakarwisana zvinotyisa nevagari veko nekuda kwenzvimbo yemafuro inosvika mahekita 36 iyo inonzi yakapihwa mapositori aya kuti avake chikoro.
Nzvimbo ine gakava iri, iyo yakapihwa vanamati vechechi yeJohane Marange naSabhuku Taurai Marangwanda, yakarongerwa kuvakwa chikoro.
Asi vagari vemumusha uyu, vanoti mafuro manyoro aya ivhu rinoyera uye inhaka yavasingadi kupukunyutsa iyo vanotarisira kuti ichabatsira zvizvarwa zvinotevera.
Nekune rumwe rutivi, vakadzi vane vacheche vakaberekwa kumusana vakachema vachiedza kudzivirira varume nevanakomana vavo pairwisana mativi maviri aya.
Mapositori aya aive akapfeka nguwo chena uye akapakata tsvimbo nemacheni pabongozozo iri.
Kunetsana uku, vagari vemumusha uyu vanoti kwakatanga mushure mekunge vanamati ava varamba kuteerera apo vaivaudza kuti vasiyane nenzvimbo iyi.
Mai Evelyn Katena vanoti hazviite kuti varasikirwe nenzvimbo iyi inova yemadzitateguru avo.
“Vana vedu vanodzidza kwaShutu, Goredema nekwaNzvimbo. Tiri kubatsira mukuvakwa kwechikoro chiri kwaGoredema uye hatidi chimwe chikoro chitsva. Ivhu iri ndere nhaka yekuzvarwa kwedu uye nekukura kuri kuita mhuri, tinofanira kurongera remangwana revana vedu,” vanodaro.
Vagari vomumusha uyu vanopomera vanamati ava kupfuurira mberi nokukanya zvidhinha uye nekuda kutanga kuvaka pasina mvumo.
“Takafushira makomba avo tikaparadza zvidhinha zvavo. Vakatiudza pamberi pedu kuti nzvimbo iyi vakaitenga kuna sabhuku uye hapana kwavanoenda,” Vanodaro Mai Katena.
Izvi zvakaona vanamati ava vachipotera kudare vachida gwaro redziviriro.
Nerimwe divi, vagari vemumusha uyu vakabva vakwidzawo nyaya iyi kudare guru reHigh Court.
Kunetsana uku kwakonzerawo zvekare kusawirana pakati pevagari vemubhuku umu sezvo vari kukandirana nyoka mhenyu.
Ari pakati pekupomerwa uku ndiVaJoel Nyakotyo (95) vanove eridha (elder) kuchechi yeJohane Marange avo vari kunzi nehama dzavo ndivo vakakoka vanamati ava.
Munun’ina wavo, VaLangton Nyakotyo, vanoti VaJoel Nyakotyo vave munhu akwegura uye havakwanise kuziva hudzamu hwezvinhu zvavanoita.
“Mukoma wedu iye zvino haasi kufamba, akanga asingafungi kuti mhuri yedu yakura. Nekuda kweizvi, hatina rugare, nguva dzose tinenge tiri kumapurisa kana kumatare edzimhosva,” vanodaro VaLangton Nyakotyo.
Asi VaJoel Nyakotyo, vachitaura vakagara pachituru chemuti uye vakazendamira pamadziro, vanoti havana kukanganisa nesarudzo yavakaita iyi.
“KuCongo nedzimwe nyika, kwese, machechi anopiwa nzvimbo dzekuvaka zvikoro uye kuparidzira shoko raMwari. Ndakashevedza hama dzangu kuti tikurukure nezvechikumbiro chechechi, asi hapana akauya,” vanodaro.
“Ndakasarudza zvekuita semusoro wemhuri, ndinoda kuti vana vemuno vadzidze vasingafambe nzendo refu,” vanodaro
Nyaya iyi yakazokwidza mutanda apo vanamati ava vakaungana panzvimbo iyi vachiita mumanato.
Vagari vemumusha uyu vakabva vauyawo vaine ngoma, hari dzevhu nepfuko dzine doro vachida kupira midzimu yavo izvo zvakaita kuti pave nekurwisana kunotyisa.
Mutungamiriri weboka remapositori iri, VaChampion Muchenje, vakabva ashevedzera kuti vagari ava “vapinda mumba medu”.
Panguva iyi pakabva patanga kurwisana kukuru apo mumwe munamati akavheesa cheni mudenga achibva arova mumwe mugari wemumusha uyu paziso.
Akamhanyiswa kuChipatara cheConcession, vamwe vakasiiwa vane maronda ekukuvadzwa sezvo nzvimbo yekunamatira iyi yakasandurwa kuitwa nhandare yehondo.



