Mbavha dzabatikidzwa dziine mitumbi 4 yenyama yemombe

Muchaneta Chimuka

VARUME vatatu — Joseph Kamukosi (33), Tatenda Magirazi (27) naEdmore Michael (25) — vese vari vagari vekuMagamba kwaMurewa, vakasungwa nemhosva yekuba mushure mekuwanikwa vaine mitumbi mina yemombe.

Izvi zvinotevera kunyeverwa kwakaitwa mapurisa neveruzhinji kuti vatatu ava vaiita basa rekuba mombe.

Mapurisa anotsinhira nyaya iyi.

Mushure mekunyeverwa, mapurisa akabva amhanya kumba kwevasungwa ava panhamba 20219 Magamba kwaMurehwa ndokutanga kusecha.

Mapurisa akasecha mufiriji yaive mumba mevasungwa uye nemukati memotokari yemhando yeHonda Fit ine nhamba dzinoti AFD1927 vakawana nyama yainge yakabviswa mabhonzo.

Vasungwa ava havana kukwanisa kubuditsa umbowo hwemagwaro anotaridza kuti nyama iyi vakange vaiwana kupi.

Nyama iyi yakachengetedzwa nemapurisa kwaMurewa apo vari kuenderera mberi nekuferefeta nyaya iyi.

Hazvisati zvava kuzivikanwa kuti nyama yakawanikwa iine vasungwa ava inokosha marii.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *